VaMnangagwa Voenda kuMalawi Kunosimbaradza Hukama Vamwe Vachiti Vanofanira Kukoshesa Nyika Dzakabudurira

VaLazarus Chakwera

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusvika kuMalawi mangwana kumusangano nemutungamiri wenyika iyi VaLazerus Chakwera wakanangana nekusimbaradza hukama nekudyidzana.

Nhasi muLilongwe pange paine musangano wemakurukota kugadzirira musangano wevatungamiri uyu. Vari kutungamira chikwata cheZimbabwe ndiVaJoram Gumbo gurukota muhofisi yaVaMnangagwa.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati Malawi inotengesera Zimbabwe zvinhu zvemari inosvika mamiriyoni makumi mana kana kuti US$30 million pagore iyo Zimbabwe ichitengesera Malawi zvemamiriyoni matanhatu US$6 million chete.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vati misangano iyi iri kufamba zvakanaka vachitarisira kusimbaradza kudyidzana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLevit Mugejo

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti kudyidzana nenyika dzakaita seMalawi hakuna kunyanya kukosha vakakurudzira kuti Zimbabwe itengeserane nenyika dzakita seChina, dzemuEuropean Union, America nedzimwe dzakabudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGift Mugano