Zvichitevera chiziviso chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti musi wa23 Nyamavhuvhu 2023 ndiro zuva richaitwa sarudzo munyika, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara munyika dzakapoteredza zviri kupa maonero akasiyana panyaya yekuti zvichadzokera kumusha kunovhota here kana kuti kwete.
Vataura neStudio7 muhurukuro dzakasiyana varatidza kuti havana tariro yekuti kune chipenyu chichabuda musarudzo dzechipiri mushure mekupidigurwa nemauto kwevaimbove mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe.
VaChoice Moyo, avo vanorarama nekugadzira mafoni muguta reFrancistown muBotswana, vati kunovhota kupedzera hoko padehwe retsindi.
Mashoko aVaMoyo atsigirwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reWindhoek muNamibia, VaNaison Chirwa avo vati ZANU PF yaoresa vanhu vazhinji moyo nokuda kwekubira sarudzo kwayo. Vati, ““Vanhu vanozviziva kudhara kuti tiri kutamba nhamo uye takafanira kunovhota.” Vaenderera ,beri vachiti, “But nyaya ndeye kuti vanoziva kuti tinovhota, asi hazvishandi. Kuvhota taida chaizvo asi vanhu vanoziva kuti hazvishande.”
Mumwe anoti mutsigiri weZANU PF, VaMarlvin Chiware vati kunyangwe bato riri kutonga rakabatsira kwazvo nekupa vabereki vavo minda, VaMnangagwa vakafanira kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti vadzoka kumusha. VaChiware vat, “But ini hangu ndiri mutsigiri we ZANU PF nyangwe kusina chainondobatsira nacho, ndiri muZANU PF.” Vati, “Yakatipa munda kudhara but ini hapana chandinobenefitor. Tongoti dai ED akwanisa kugadzirisa nyika, kwete kugadzira nzira, ape vanhu mabasa. Vanhu havadyi nzira asi vanovana chekudya kumabasa. Ndozvatinochema nazvo izvozvo.”
Asi VaTrymore Gutu vanogara muJohannesburg vati vachaenda kunovhota kuZimbabwe sezvo vari kuzne vasina kodzero yekuvhota. VaGutu vati, “Titori neconnection neembassy in terms of transport yekunovhota. Vatiezve, “Kutaura chokwadi, hazvisi fair pazvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kuti Zimbabwe ivakwe nekuti shanduko yemuZimbabwe inonakira muZimbabwe wese zvisinei nekuti unotsigira bato ripi.”
Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vaudza Studio7 kuti zvinoreva makore mashanu ekutambura zvakare kana vanhu vakasavhota nehuwandu hwavo.
Vatiwo, “Munhu wese anofanira kuuya kumba kuti tivhote kuti tizokunde ZANU PF musarudzo dziri kuuya munaAugust.”
Vatiwo, “Isusu tiri kutaura kuti tiri kuona kukwira kuri kuita zvinhu. Vanhu vari kuedza kuti vabude munyika vachinoita manurse aides, zvipatara zvedu hazvina kumira zvakanaka, hamuna mushonga, maticha haasi kubhadharwa, tine vasungwa vari mujeri anaHonorable Job Sikhala naVaJacob Ngarivhume. Zvose izvozvo zvinoda kuti tibatane semacitizens kuti tizovhota pakuru kuti tigokunda pakuru. Tisakadaro tinozoita mamwe makore mashanu tichitongwa neZANU PF.”
Mukuru mubazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaTafadzwa Mugwadi vati havo vane chivimbo chekukunda. VaMugwadi vatiwo, “Kwatiri kumusangano weZANU PF, ndiro gore ra2023 musi wa23 tichiti ED pfee.”
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvave nemakore akawanda zvichida kuti zvibvumidzwe kuvhota sezvinoita zvizvarwa zvizvarwa zveSouth Africa, Kenya nedzimwe nyika.
Electoral Commission of Zambia inoti iri kuda kuti vari kunze vatange kuvhota muna 2026.
Your browser doesn’t support HTML5