Ndege neNgarava dzeHondo dzeAmerica neChina Dzonetsana Zvinogona Kukonzera Njodzi

Vakuru vakuru mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika muAmerica vanoti vari kushushikana nezviri kuramba zvichitwa nemauto eChina zvekudzivisa ndege nengarava dzehondo dzeAmerica kufamba zvakanaka munzvimbo dzinonzi dzinokwanisa kushandiswa nenyika dzose kana kuti "International Waters" munyanza yeSouth China Sea.

Nemusi weChipiri, America yakaburitsa vhidhiyo yakaratidza zvakaitika apo ndege yayo yemhando yeRC-135 yakakanganiswa kubhururuka neChina.

Asi mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina, Amai Mao Ning vakati America ndiyo yakakonzera kunetsana uku nekuda kusora.

Dare reInternational Court kuGague rakapa mutongo wekuti China handiyo muridzi wenzvimbo iyi asi China inonzi haisi kutevedzera mutongo uyu.