Vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kushushikana nekupasiswa kwakaitwa neparamende bhiri rekuvandudza mutemo weCriminal Law Codification Reform Act uri kunzi neremadunhurirwa “Patriotic Bill” uyo unoomesera zvakanyanya vanhu vanonzi nehurumende vanosvibisa zita renyika vamwe vachigona kutongerwa rufu kana kugara mujeri kwenguva yakareba.
Mabharani weparamende, VaKennedy Chokuda, vaudza Studio 7 kuti komiti yezvemitemo mana kuti PLC yasangana nhasi mangwanani uye yaunza gwaro rayo rekuti hapana chakaipa pabhiri masikati anhasi uye rabva raverengwa kechitatu nekuendeswa kudare reSeneti.
VaChokuda vati dare reSeneti richazeya bhiri iri nemusi weChipiri svondo rinouuuya. VzChokuda vati, “PLC yagara nhasi mangwanani ikapasisa bhiri iri uye vati rakanaka saka zvaturwa mudare reNational Assembly ndosaka zvidanho zvanga zvasara zvaitwa uye rave kuenda kuSeneti,”
Bhiri iri rapasa paine kupikisa kukuru kubva kune nhengo dzemapato anopikisa ayo akaramba kuritsigira pakavhotwa nezuro manheru.
Nhengo makumi mapfumbamwe nepfumbamwe dzeZanu- PF dzakvhota dzichitsigira zvaida kushandurwa negurukota rezvemutemo VaZiyambi Ziyambi.
Asi nhengo gumi nenomwe dzemapato anopikisa hadzina kutsigira bhriri iri sezvo dzichit rinotyora kodzero dzevanhu.
Vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamende, VaPupurai Togarepi vanoti vanotarisira kuti bhiri iri richapasa muSeneti. Vati, “Chandinga taure ndechekuti ndechekuti takapedza naro kuNational Assembly uye rave kuenda kuSeneti risati raenda kunosainwa naPresident.”
Vachinyora pandandemutande ravo reTwitter, mumiriri weHarare East muparamende, VaTendai Biti vati zvaitika kutyora kodzeo dzevana veZimbabwe.
Bhiri iri rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muno kana kunze kwenyika zvinoshoropodza kana kushora nyika kana kukurudzir kuti itemerwe zvirango zvehupfumi vanogona kutongerwa kugara mujeri kwe makore gumi vakabatwa nemhosva.
Vanoongorora nezvemagariro evanhu, VaTendai Mbofana vashora zvaitwa neparamendde vachiti bhiri iri harina kunaka zvachose. VaMbofana vati, “Tine kodzero yekuenda ikoko tinchinochema, koive nguva yehondo vaissanedawo kunochema kuti tiri kudzvanyirirwa nemabhunu koiyezvino zvaipei."
Vaenderera mberi vachiti, "Kana taakuendako tonzi tiri kunokumbira maSanction wouya kuno wonzi 10 years mujeri, saka "Patriotic bill" iri rakaipa zvakaipisisa.”
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde vashorawo bhiri iri. VaMandinnde vati, “Tirikuona bhiri iri risina kumbosiyana nababa vanomanikidza vana kuti ndiremekedzei nekuti ndini baba pamusha pano apa."
Vaenderera mberi vachiti, "Vana baba vaya vanotoita zvekumanikidza kuremekedzwa. Ndozviri kuitwa nebhiri iri, riri kuti musataure zvinege zvakaipa zvinenge zvichiitka, musature zvinogona kuita kuti vanhu vatarisire Zimbabwe pasi nepamusana pekuti pane zvakaipa zvinenge zvichiitika. Muno muZimbabwe tagara tine dambudziko nenyaya yekumbunyikidzwa.”
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu , reZimbabwe Lawyers for Human Rights richiti mutemo uyu unoita kuti vana veZimbabwe vasataure nhunha dzavo kwese kwavange vari vachiti chinotyisa ndechekuti uchashandiswa kunyange pane zvinenge zvataurwa kana kuitikira kunze kwenyika.
Your browser doesn’t support HTML5