Varimi vanochengeta mombe dzemukaka vave kushanda pamwe nehurumende
nevemakambani anogadzira zvigadzirwa zvinobva mumukaka pakuderedza
kukanganisa mamiriro ekunze, kana kuti greenhouse gas emissions
muChirungu, uko kunonzi kwanyanya muchikamu chekurima ichi.
Amai Agnes Kwenda vanochengeta mombe dzemukaka papurazi ravo riri
kunze kweguta reBulawayo izvo vakafunga kutanga kuita mugore ra2019
vaine mombe imwe chete.
Nekuratidza chido chavo chekusimudzira basa ravo, vakawana rutsigiro
rwakavawanisa mhou shanu pasi pechirongwa chaitsigirwa nehurumende,
uye dzimwe shanu pasi pechirongwa chinotsigirwa nemubatanidzwa
wemakambani anogadzira zvigadzirwa zvinobva mumukaka, weDairy
Processors Association of Zimbabwe.
“Takatanga tichikama 15 litres chaidzo tichiendesa kuma dairy company,
tichitonyara tasvika ipapo kuti zvino zvandine 15 litres dzangu, mumwe
ane 60 litres, zvinofamba sei?”
Papurazi raAmai Kwenda ndipo paitirwa nhasi mabiko e Filed Day,
ekucherechedza zuva remukaka wemombe, reWorld Dairy Day, iro
rinocherechedzwa pasi rose musi wa1 Chikumi kubva muna 2001.Sangano
reFood and Agriculture Organisation kana kuti FAO, rakatara zuva iri
senzira yekuratidza kukosha kwemukaka sechikafu chinobatsira kupedza
nzara pasi rose.
Amai Kwenda vanoti vanoziva chose nezvenyaya yekushanduka kwemamiriro
ekunze uye kuti pane maonero ekuti mombe ndidzo zvipufyo
zvinochengetwa nevanhu zvinokonzera zvakanyanya dambudziko iri sezvo
dzichibudisa mweya wekufema unonzi methane, uyewo dzichida mafuro ayo
anobva mukutema kwemiti.
Asi vanoti kwave neruzivo rwakawanda runoita kuti pave nenzira
dzakasiyana-siyana dzinogona kubatsira kuderedza kana kudzivirira
izvi.
“Yose ndove yaitwa nemombe iri kushanda. Tinotora ndove yedu toiisa
mune chinonzi chi biodigester, chobika ndove iyoyo pobuda gas, gas
iroro ndiro rinoshandiswa pano papurazi, saka zvose tinoshandisa. Vari
kutonyanya kuwedzera nyaya yecarbon footprint pamwe mafactory
anogadzira mafertiliser nekuti isu tinozvigadzirira yedu pano.”
Amai Tendai Marecha ndivo mukuru wesangano remubatanidzwa weDairy
Processors Association of Zimbabwe, iro rinosanganisira makambani
makuru akaita seDairiboard Zimbabwe, Dendairy, nemamwe, ayo anogadzira
zvidyiwa nezvinwiwa kubva mumukaka.
Vanoti mubatanidzwa uyu uri kushanda pamwe nevarimi nehurumende
mukuita zvose zvinobatsira kuti mukaka uwanikwe nenzira
dzisinganyanyokanganisi mamiriro ekunze.
“Mhou dzedu tiri kuedza kuti dzikavandudzwa dzikatipa mukaka wakati
wandei pamhou imwe neimwe, ndove yatinozobuditsa pamhou idzodzo,
tiakzoona kuti litre rimwe ratibudisira ndove yakaita sei, tinoona
kuti inenge iri shoma zvinozobva zvareva kuti tiri kuedza kuti carbon
footprint iderere.”
VaAddmore Waniwa ndivo mushandi mukuru anoona nezvenyaya dzemukaka,
kana kuti Chief Dairy Officer, mubazi rezvekurima. VaWaniwa vanoti
pari zvino munyika mune mombe dzemukaka dzinosvika zviuru makumi mana
nezvinomwe, kana kuti 47 000.
Vanoti munyika munodyiwa mukaka unosvika marita mamiriyoni zana
nemakumi matatu kana kuti 130 million pagore, uye gore rakapera nyika yakawana
marita mamiriyoni makumi mapfumbamwe nerimwe kana kuti 91 million,
vachiti vari kushanda pamwe chete kuedza kuti nyika iwane mukaka
unoikwanira asi zvichiitwa nenzira inobatsira kudzivirira kushanduka
kwemamiriro ekunze.
“Tiri kukurudzira varimi vedu nevari muindustry yedairy kuti
vashandise nzira dzekuti havawedzeri atinoti magreenhouse gases
muChirungu.Tiri kukurudzira kuti vashandise ma renewable energy
sources pavanoita basa ravo”
Zimbabwe inhengo yeEast and Southern Africa Dairy Association, pamwe
ne International Dairy Federation, uye mugore ra2016 yakasaina
chibvumirano cheRotterdam Dairy Declaration, icho chinokoshesa
kutibandiko remukaka riite chikamu charowo pamazvinangwa zve
Sustainable Goals, izvo zvakanangana nekuchengetedza mamiriro ekunze,
kupedza nzara, mikana yakaenzana nezvimwe.
Your browser doesn’t support HTML5