Vatendi vePositori neZion Vovimbisa VaMnangagwa Kuti Vachavawanisa Mavhoti Ari Kudiwa neBato Ravo

Musangano wemapositori neZion vanotsigira VaMnangagwa, weMaZion NeVapostori For ED,

Vatendi vechipostori neveZioni vari pasi pesangano reMaZion neVapostori For ED, nhasi vavimbisa mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mavhoti anodarika mamiriyoni mashanu ari kudiwa nebato ravo musarudzo dziri kuuya munaNyamavhuvhu gore rino. Sangano iri razivisa izvi pamusangano waro waitirwa munzvimbo yeHighfield, muHarare, uyo wapindwawo naVaMnangagwa.

Vachitaura pagungano iri semunyarikani mukuru, VaMnangagwa vati mapositori nemaZioni aya aita sezvinorehwa neBhaibheri shoko raMwari, pakutsigira mutungamiri.

“Makorokoto vemakereke, nhasi mabuda pachena kuti munoda nyika yenyu. Nhasi mazadzisa izwi raJehovah benyu rekuti kudzai avo vandakaisa pahutongi munyika. Vemakereke mazvipira kunamatira nyika yekwenyu kunaJehova muchiti muchafamba muchivaka nyika yekwenyu.”

Vakuru vemapositori neZion.

Mutauriri wesangano reVapostori For ED, vaObey Mapuranga, vanoti mapositori nemaZioni vachaita bhurugwa nebhandi vaMunangagwa nebato ravo.

“Tauya kuzokotama pamberi penyu, iri sungawirirano nemweya unoti tichiti hurumende inotonga ndeye Zanu PF, uye mapostori nemaZioni ndeeZanu PF. Tinoda kukuzivisai kuti panouya sarudzo, tese tichati dzvamu kunovhotera Zanu PF. Mapostori haana kupanduka, vanokudai uye vanomira nemi nekuti jongwe nemureza zviri paZanu PF zvakaporofitwa. Tongai henyu makasununguka."

Asi mumiriri weHighfield East mudare reparamende uye vari nhengo yeCitizen's Coalition for Change, VaEric Murai, vanoti rutsigiro urwu rwunoshura kubuda kwaVaMnangagwa muhofisi yemutungamiri wenyika.

“Zvaitwa nemapositori nemaZioni kupa ED rutsigiro inondirangaridza gore ra 2017 pavakaungana zvekare vachitsigira Grace Mugabe munhandare yeRufaro. Tinoziva kuti ndiwo akabva ava magumo aVaMugabe naGrace. Ini ndaona zvangoenda neipapo- kuti ndiwo maperero achaita VaMngangagwa, ukuwo VaChamisa vachipinda. Kotiwo zita raMwari haridi kungoiswa pese-pese sezvaitika apa. Batai mazwi angu, ED atopera nekuda kwegungano ranhasi mumaZimbabwe Grounds.”

Asiwo sachigaro veZanu PF mudunhu reHarare, VaGoodwills Masimirembwa, vati vanhu vakaita savaMurai vanotaura zvekugotsi kwatsuro".

"Musangano weZanu PF ndiwo uri kuzokunda musarudzo. Ucharova vanhu seri neseri. ichahwinha zvine mutsindo. Vanofunga kuti uchadyiwa, kurota masikati nachena ikoko."

Nhengo dzevapositori .

Mumwe wevauya kumusangano uyu vachibva kuMabvuku, VaArnold Mashasha vechechi yeZioni yekwaDavid Masuka vanoti hutungamiri hwaVaMnangagwa, huchi.

“Musangano weZanu PF wakatirera kubva tichizvarwa, nanhasi tinayo, tinorarama nayo. Hatina kana chichemo kana dambudziko ndiko saka tiri kuda kuti zvidzokere ipapo. Sesu vekuMabvuku tiri kufara nekuti takaisirwa mugwagwa wetara. Dai isiri Zanu PF dai tiri mumakomba. Tatononokerwa nekunovhota, zvigumwe zviri kutopisira kunovhotera musangano weZanu PF. Dai vasina kutoti 3 months kuti tivhote, asi mavhiki maviri chaiwo.”

Musangano uyu watanga nekupera hutungamiri hweMaZion and VaPostori For ED pamwechete nehweZanu PF huchitsutsumwa kushomeka kwevatendi vaungana munhandare yeZimbabwe Grounds- izvo zvavati zvakonzerwa nekushaya zvifambiso zvemabhazi kuti zvisvike panzvimbo.

Nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, Muzvare Jacqueline Sande, vatiwo mapositori aya aita zvido zvawo.

“Hapana chitsva pakutsigirwa kwaitwa VaMnangagwa nemapostori. Vemachechi vanosarudza wavanenge vachida kutsigira, sezvo iri kodzero yavo.”

Musangano uyu ndiwo wekutanga waendwa naVaMnangagwa mushure mekunge vatara zuva richaitwa sarudzo, uyewo zvichigona kureva kuti kutsvaga rutsigiro muvanhu kwatotanga zvine mutsindo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Tobias Mudzingwa