Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti zvakakosha kuti Zimbabwe irambe iine hurongwa hwekurwisa dambudziko rekuramba kudaira kana kushanda kwemimwe mishonga inorwisa hutachiona hwakasiyana-siyana kana kuti Antimicrobial Resistance iro rinonzi idambudziko guru munyika.
Sangano rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization rinoti Zimbabwe yatanga hurongwa hwemakore mana wekuyedza kugadzirisa dambudziko iri unonzi Antimicrobial Resistance National Action Plan (2023-2027).
Hurongwa hwakadai hwekutanga hwakatanga muna 2017 uye hwakapera muna 2022. Zvirwere zvinogona kutadza kudavira mishonga zvinosanganisira cherurindi kana kuti TB nekutadza kufema zvakanaka kana kutyi pneumonia nezvimwe.
Vachitaura neStudio 7 mukuru wePan-African Treatment Access Movement rinova sangano rave nemakore richishanda rakazvimiririra kuona kuti dambudziko iri ringaderedzwe sei VaTapiwa Kujinga vati hurongwa hwehurumende uhwu hwakakosha.
Chiirongwa chekurwisa dambudziko reAMR ichi chinosanganisira mapazi anoti rezvehutano, rezvekurima nerinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda
Vati dambudziko guru riri munyika kutengeswa kwemishonga kana mapiritsi emaAntibiotic pamukoto.
Vawedzerawo vachiti Zimbabwe inofanirwa kukoshesa kuderedza kusarapika kwehutachiona nemapiritsi kanas kuti i drug resistance Index kuburikidza nekuva nezvipatara zvakachena pamwe nekuvawo nemishina yekuvheneka kuona kuti mishonga iri kupiwa iri kushanda here.
Vatiwo kuvakwa kana kuvandudzwa kwenzvimbo dzinoongorora kushanda kwemishonga muvanhu nemhuka kana kuti malaboratory kunzvimbo dzakaita seHarare, Mutare , Masvingo, Bulawayo neGweru pamwe nekudzidziswa kweveruzhinji nezvedambudziko iri ndozvimwe zvinhu zvikuru zvakabudirira pasi pehurongwa hwakatanga muna 2017 uhwu hwe AMR National Action Plan.
VaKujinga vati tarisiro yavo ndeyekuti chirongwa chiri kugadziriswa ichi chisimbiswe sezvo vanhu vave neruzivo rwuri nani rweAMR zvichienzaniswa nerwaivepo pakanyorwa hurongwa hwekutanga.
Amai Salome Manyau vanoshanda neBio- Medical Research Insitute vaudza Studio 7kuti pakave nehurongwa hwakajeka hwekurwisa AMR zvinobatsira zvakanyaya kuongorora nekutsvakiridza kuti dambudziko iri ringagadziriswe sei.
Vatsigirawo zvataurwa naVaKujinga vachiti dambudziko guru riripo nderekuti mishonga nemapiritsi zvakufamba nedzimwe nzira dzisiri dzinotarisrwa.
Vawedzerawo vakati kurwisa dambudziko iri kunoda mari yakawanda zvikuru.
Vatiwo hurongwa hwange huripo hwakapera gore rapera hwakabudirira sezvo paine vamwe vanhu vakabatsirwa.
Nyanzvi munezvehutano dzinoti zvimwe zvinoita kuti mishonga yemaantibiotics iyi itadze kushanda inyaya yekuti vanhu vanongomwa mishonga iyi pavadira vasina kuudzwa nenyanzvi munezvehutano, kushandisa mishonga iyi wogumira panzira pamwe nekutenga mishonga iyi pamukoto imwe yacho isina kugadzirwa zvakanaka.
Muna 2021 mutevedzeri wegurukota rezvehutano Dr John Chamunorwa Mangwiro vakaparurawo Laboratory yakavandudzwa pasi pechirongwa che Antimicrobial Resistance (AMR) paHarare Hospital pamwe nekukumikidza michina mitsva irikushandiswa mukuongorora zvirwere pamwe nehutachiona hwakasiyana-siyana nerubatsiro rwemari rwakabva kumizinda yeSweden, Netherlands neUK.
Padandemutande ravo World Health Organisation inotiwo kuburikidza nehurongwa hawivepo uhwu Zimbabwe yakakwanisawo kuwana mari kubva ku The Fleming Fund ne Multi – Partner Trust Fund yakavandudza malaboratory gumi nemana , kudzidzisa nyanzvi dzeAMR pamwe nehumhizha hwekuita ongororo.
WHO inotiwo pasi pechirongwa ichi kwakakwanisa kuwanikwa nhomba yechirwere chemombe che theileriosis nezvimwewo.
Hatina kukwanisa kuwana mhinduro kubva kuhurumende sezvo mibvunzo yedu kubazi rezvehutano yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.
Your browser doesn’t support HTML5