Nhengo dzeCCC Dzopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso Pamhosva Yekunzi Dzakarova veFAZ

Dare reMajasitiriti reGweru nezuro rakapa nhengo nhanhatu dzebato reCitizen Coalition for Change(CCC) mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti dzitongwe dzichibva kumba pamhosva dzavari kupomerwa dzekurova nhengo dzesangano reForever Associates of Zimbabwe (FAZ), pamwe nekubvarura bhuku nekudzibira mari.

Nhengo dzeCCC dzinosaganisira vari kuda kukwikwidza senhengo yebato iri kuChirumanzi South VaPatrick Cheza nevame vavo vanoti VaChristopher Mutoboni, VaTinashe Moyo, VaElias Madhiviko,
VaTanyaradzwa Calisto Marimbe naVaAlex Gamuchirai vabvisiswa mari inosvika zviuru makumi mashanu emadhora emunyika.

Gweta revasungwa ava VaMartin Mureri vati mutongi wedare Muzvare Miriam Banda vati vasungwa ava vadzoke kudare musi wa7 Chikunguru gore rino.

VaMureri vati vatanhatu ava vari kupomerwa mhosva ina dzekutyora zvikamu zvemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act dzekurova nhengo dzeFAZ Muzvare Justice Dzaguma, Nhamo Muzembi, naMuzvare Abigail Madhara.

Vari kupomwerwa zvemhosva yekubira VaNhamo Muzembi mari inosvika madhora makumi mashanu ekuAmerica, pamwe nekupwanya nharembozha yaVaPhilimon Madzivanyika pamwe nekubvarura bhuku ravo rinoita dhora rimwechete remari yekuAmerica apo vaiva panzvimbo dzaitarisa vanhu mazita avo mugwaro rekuvhota musi wa 31 Mwedzi wapera.

VaMureri vati vatanhatu ava vaiva mujeri reHwahwa kuGweru kubva musi wavasunga uye vanoramba mhosva idzi vachiti vakanyeperwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reCCC, VaAmos Chibaya, avo vange vari padare redzimhosva vachitsigira vamwe vavo vati bato reZanu PF riri kuvhunduka vanopiksa pamberi pesarudzo dza 23 Nyamavhuvhu.

VaChibaya vati kunyange nhengo dzavo dzikasungwa bato ravo richaramba richienderera mberi nekuudza veruzhinji kuti varitsigire vapedze matambudziko ari muyika.

Vachitaura neStudio 7, mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato muZanu-PF vati veCCC vave kungotaura nekutya kukundwa musarudzo.

Zimbabwe yave nemakore ichiita sarudzo dzine mhirizhonga nekudeuka kweropa. Asi rwendo rwuno mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuvimbisa dzakachena. Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godfrey Mtimba