Senate Yopasisa Bhiri Riri Kunze neVamwe"Patriotic Bill"

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Dare reseneti rapasa bhiri rekuvandudza mutemo wecriminal law codification (reform) iro rinonzi nevamwe “Patriotic Bill”.

Bhiri iri rinopa mhosva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvinoronga kupidigura hurumende kana kukurudzira kuti nyika itemerwe zvirango zvehupfumi rave kuenda kumutungamiriri wenyika VaEmmmerson Mnangagwa kuti varisaine kuve mutemo.

Vachabatwa nemhosva pasi pemutemo uyu vanogona kutongerwa rufu. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaPaidamoyo Saurombe vati mutemo uyu unombunyikidza kodzero dzevanhu zvakanyanya.

Mimwe mitongo inogona kupihwa vachabatwa nemhosva pasi pemutemo uyu kurambidzwa kuvhota kana kukwikwidza musarudzo kana kutorerwa hugaro kana kuti “citizenship”

Bhiri, iri rapasa kunyange hazvo vanomirira mapato anopikisa, vange vachiri pikisa zvakasimba sezvakaitika mudare reNational Assembly svondo rapera.

Nhengo yeMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaMorgan Komichi, vati mutemo uyu unoomesera vanhu zvakanyanya uye unotyora bumbiro remitemo.

Senata Kaliphami Phugeni vati bhiri iri haribvise zvirango asi kuti itonyanye kuomeserwa nekuda kwekumbunyikidza kodzero dzevanhu nekutonga kwedemo.

Asi senata Angeline Tongogara veZanu PF vati vanotsigira bhiri iri.

Seneta Alice Chimbudzi veZanu PF zvakare vatsigirawo bhiri iri vachiti nyika dzekunze hadzifanire kupindira munyaya dzeZimbabwe.

Mutungamiriri rimwe bato rinopikisa reDemocractic Union Zimbabwe, VaRobert Chapman vaudza Studio7 kuti mutemo uyu wakaipa zvikuru.

Asi gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi vati mutemo wakakosha pakuchengetedza nyika kubva kuvavengi.

Vati mutemo uyu hauna kunangana nevanoenda kunze kwenyika vachinosangana neshamwari kana hama dzavo asi kuti vaya vanoenda vachinokumbira zvirango kana kuti nyika iomeserwe.

Mutemo uyu uri kushorwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu uye nyika dzakabudirira. Vari kuushora vanoti unoda kuti vanhu vasati bufu kana hurumende ikaita huwori kana kutadza kutungamira.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya