Zimbabwe Yoenda kuBotswana Kuti Iwane Ruzivo Rwekuderedza Kupararira kweHIV

Sangano reNational AIDS Council kana kuti NAC riri muBotswana nechinangwa chekuyedza kudzidza zviri kuitwa nenyika iyi kukurwisa dambudziko rehutachiwana hunokonzera chirwere chemukondombera kana kuti HIV/AIDS muchirungu.

Vachitaura neStudio7, vanoona nezvemabasa nusangano reNAC, VaRaymond Yekeye vati donzvo rekushanyira Botswana ndere kutsvaga hunyanzvi hwekurwisana nechirwere chemukondombera.

Botswana ndiyo nyika yekutanga ichiri kubudirira pasi rose kukwanisa kudzikisa huwandu hwevana vanotapurirwa chirwere cheHIV kubva kuna vanaamai. Izvi zvakaita kuti ipihwe mubairo kana kuti silver award nesangano reUnited Nations rinoona nezvehutano pasi rose reWorld Health Organization. Pasi rose nyika gumi neshanu chete ndidzo dzakakwanisa kupedza dambudziko rekutapurirwa kwechirwere kubva kuna Amai kuenda kuvana. Muna 1999, apo Botswana yainge iine vanhu vaitapurirwa chirwere cheHIV vanosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana, nyika iyi yakabva yatanga hurongwa hwekurwisa chirwere ichi. VaYekeye vati NAC iri kutarisira kudzidza zvakawanda kubva kuBotswana.

Asi hurumende ine zvikwanisiro here zvekuti irwisane nehutachiona uhu sezviri kuitika muBotswana? VaYekeye vanopindura

Asi mumwe anorwira kodzero dzevanorarama nechirwere cheHIV uye vakavamba sangano rinobatsira vanorarama neHIV/AIDS reReverend Maxwell & Friends Foundation, Reverend Maxwell Kapachawo vati kushaikwa kwezvikwanisiro munyika ndiko kuchaita kuti NAC itadze kubudirira kutevera matsimba eBotswana

Vanoti kutiza kuri kuita vanamukoti nevamwe vashandi vezvehutano munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kunze kuri kudzosera kumashure hurongwa hwekurwisana nedenda reHIV/AIDS.

Mukuru mubazi rezvekurwisa denda reHIV/AIDS musangano reBotswana National Aids and Health Promotion and Agency Amai Elizabeth Koko vati vane chivimbo chekuti kushanya kweNAC kuchabatsira sangano iri.

MuZimbabwe, dunhu re Matabelaland South ndiro rine huwandu hwevanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere cheHIV vanova zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana kana kuti 17%.

Dunhu iri riri kumuganhu weSouth Africa neBotswana. Vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vanorarama nehutachiona weHIV muZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo