Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, nemusi weChina vakasangana nemabhishopi anobva muAfrica yose ari pasi peemubatanidzwa weAll Africa Conference of Churches (AACC), ayo ari kushanya munyika pamberi pesarudzo dzegore rino.
Musangano naVaChamisa uyu wakatevera mumwe wakaitwa nenhumwa idzi nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kumuzinda we State House muHarare.
Vachitaura mushure memusangano wavo naVaMnangagwa, mutevedzeri wemutungamiri wesangano reAll Africa Conference of Churches, uye vari mutungamiri wechikwata ichi, Archbishop Martin Blaise Nyaboho vekuBurundi, vakati vane chivimbo chekuti Zimbabwe ichaita sarudzo murunyararo.
Vakati rwendo rwavo muZimbabwe nderwekusimbisa kubatana nerunyararo munyika sezvo yakatarisana nesarudzo idzo dzichaitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu.
VaChamisa vanoti chikuru chiri kuda kunzwisiswa nemabhishopi aya ndechekuti vanhu vakasungana here munyika.
"Hongu takasangana nemabhishopi emuAfrica yese, vachida kunzwa kuti takasungana here panyaya yerunyararo, rugare nekusave nebopoto, mvongamvonga nokuvavana kana kutukana kana kusvotesana panyaya yemutambo watatarisana nawo," VaChamisa vanotsinhira.
Vanoti ivowo sebato vakaudza masabhuku aya nezvekutambudzwa mwevanhu kuwaruwa, uko vanoti masabhuku ari kuoneswa chamutavanhava achitadziswea kudya rinipisa nekutyisidzirwa.
Nhumwa dziri munyika idzi dzinosanganisira Achbishop Maimbo Mndolwa (Tanzania), Rev dr Suzanne (Zambia),Father James Oyet Latansio (South Sudan), Amai Ruth Mhone (Malawi), Rev Pataki Mautji (South Africa), Mufundis Doctor Bliss Divine Kofi Agbeko (Ghana), naRev Charles Berahino, vanove munyori wesangano reAACC.
Your browser doesn’t support HTML5