Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaudza dare ravo rePolitburo kuti vavengi vanoda kudzima mabasa eZanu PF ebudiriro ndivo varikukonzeresa kusagadzikana kwezvinhu munyika. Asi vamwe vemapato anopikisa vanoti Zanu PF ndiyo yaendesa nyika kumawere.
Vachitaura kumuzinda webato ravo muHarare pange pachisanana dare rePolitiburo, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati kunyangwe paine vamwe vavati vari kuda kukanganisa hupfumi, bato ravo richakunda zvine mutsindo musarudzo dze gore rino.
VaMnangagwa vati, "Vhoti yedu inofanirwa kuva nemutsindo wekuramba mabasa evavengi vedu nevanovatevera." Vaenderera mberi vachiti, "Mabasa avo ekuda kuvhiringa zvirongwa zvebudiriro aripachena . Anoonekwa nezvavari kuita kusanganisira zvavarikuita kumari yenyika nekukwidza mitengo."
Vatiwo manyepo kuti munyika mune nzara, "Tine zvekudya zvinokwana uye zvirimumatura edu zvinokwana nyika yese. Ndoverenga mumapepanhau kuchinzi tinenzara. Inhema. Tine zvekudya zvakatowandisa."
Asi mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vati nyaya yehuwori ndiyo yakanganisa hupfumi hwenyika. VaChamisa vati, "Kugadzirisa dambudziko iri pave kuda hutungamiri hutsva."
Vatizve, "Munongozviona kuti nyika yedu yakuda kuti ishanduke pakuda maoko ashanduke. Maoko aripo anovhinza. Mukatarisa miromo iripo yakakura zvikuru madyiro acho inokokota gapu . Hupfumi hwenyika hwaparara. Kubiwa here kurikuitwa goridhe. Pane makoronyera pakati apa akudya zvevapfupi nekureba. Nyaya iyi inoda kugadziriswa. Mukatarisa nyika yedu 68%havana chikafu, 49%vane nzara nehurombo hunotyisa ndozvinotaugwa nana WFP nana World bank."
Mukuru anoona nezvekubudiswa kwemashoko mubato reMovement for Democratic Change , VaChengetai Guta vatiwo Zanu-PF iri kutadza kutungamira. VaGuta vati, "Chapa kuti hupfumi hwedu huparare hutongi hwehudzvanyiriri, hwemutsimba, hwekutyityidzira." Vaenderera mberi vachiti, "Vemabhizimusi havangauyi munyika mune hutongi uhwu. Uuye hutongi hwehumbava ndihwo hwauraya nyika."
Mukuru we Confederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu vati kushaya simba kwedhora remunyika kuri kupa kuti mitengo iwedzere zvakanyanya. Vatiwo, "Kuzotambanudzwa kwakaitwa exchange rate kurikuita kuti exchange rate iripamutemo neyepanze zvirambe zvichisundana dzichienda mberi. Kufamba kweexchange rate ndokufambawo kunenge kuchiita mitengo."
Mabhanga anokweretesa mari akaita seIMF, World Bank neAfrican Development Bank uye vehurumende yeAmerica nedzimwe dziri kumawirira vari kukurudzira VaMnangagwa kuti vaite sarudzo dzakachena kana vachida kuti zvematongerwo enyika nehupfumi zvigadzikane.
Vanhu vemuZimbabwe vari kubatsirwa nezvekudya nemasangano akaita seWFP uye World Bank inoti vanhu vakawanda munyika vari kunonga svosve nemuromo.
WFP inoti mumwedzi mitanhatu iri kutevera iri kuda mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nerimwe ekuAmerica kubatsira vave kuziya nenzara munyika.
Your browser doesn’t support HTML5