VaSikhala Vanoti Vanogara Vakasungwa neCheni Mumakumbo kuChikurubi

VaJob Sikhala

Mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nhasi vasvitsa gore vari mujeri reChikurubi asi pasina mhosva yavati vabatwa nayo.

Mutsamba kumhuri yeZimbabwe vari muhusungwa, VaSikhala vati havasi kubatwa zvakanaka mujeri iri sezvo vanenge vakaiswa ngetani dzemumakumbo uye kugariswa vega zvinonzi nenyanzvi dzezvirwere zvepfungwa zvinogona kukanganisa njere dzemunhu.

Mutauriri weZimbabwePrisons and Correctional Services Amai Meya Khanyezi vati vange vari mumusangano vakati titumire nibvunzo ytedu asi vange vasati vapindura kusvika parizvino.

Vanoti vakamboyedza kutaura negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi nemutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda asi havana kupindurwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaZellers Gumbo vashora zvikuru mabatirwo ari kuitwa VaSikhala vari mujeri vachiti kugarisa munhu akasungwa kutyora kodzero dzake.

Mutauriri webato reTripple C Muzvare Fadzayi Mahere vanoti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa VaSikhala vachiti pasi pemutemo vane kodzero yekupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi mukuru mubato rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati VaSikhala vanofanira kutakurwa muchinjikwa wavo.

Mumwe ashora nyaya yekuramba VaSikhala vari mujeri ndiVaMorgan Komichi avo vazivisa nhasi kuti vavamba bato ravo. VaKomichi vati mhondi chaidzo dziri kutongwa dzichibva kumba asi VaSikhala vachinyimwa mukana uyu.