Vechidiki vakawanda vane mabhizimusi vanoti kana mamiriro ehupfumi hwenyika akaramba akaoma kudai, mabhizimisi avo achaparara.
Mumwe makanika wechidiki anogara kuChitungwiza, uye achizvishandira, Memory Bere, anoti basa rinomupa mari radzikira chose nekuda kwekuoma kwezvinhu munyika sezvo vanhu vakawanda munyika vasina mari inovakwanira kuti vararame zvakanaka. VaBere vati, “Zvinhu hazvisi kufamba mafambiro azvaimboita, mari chaiyo haisi kutenderera zvayaimboita. Ini mari yandiri kubata ikozvino yakatosiyana neyandaimbobata."
Vaenderera mberi vachiti, "Muri kungoonawo kuti hupfumi hwenyika hauna kumira mushe, uye zvinhu zviri kungokwira, saka vanhu havasi kubuditsa mari. Zvatinoshandisawo pabasa zvava kudhura, saka zvinodzingawo vatinogadzirirawo mota nekuti mari inozodiwa yese, yakawanda. Asi ini kuti ndisadzinge maCustomer angu, ndava kungovagadzirira mota dzavo, vozondipa mari pavanenge vaiwanira.”
Kuoma kwezvinhu uku kunotsinhirwa naVaJerry More Nyazungu, avo vane kambani inoita zvekubatsira ana muzvinabhizimusi nemazano, yeM&J Consultancy.
VaNyanzungu vanoti vaoita basa rekugadzira zvinhu zvekuzotengesa ndivo vari kuomerwa zvakanyanya.
Vati, “Dambudziko iri rakanyanyira avo vari mune zvekugadzira zvekutengesa." VaNyanzungu vatiwo, "Semuenzaniso, kana munhu achigadzira sipo yekusukisa ndiro, anodziendesa kumastoro mahombe, vanobva vamuti vanomubhadhara kwapera mazuva makumi matanhatu. Nezviri kuita rate izvi, paunozopiwa mari yako, inenge isisina simba. Ukuwo vechidiki vanga vasingakwanisi kutenga mari yekunze paAuction nekuti vanenge vasina mabhizimusi mahombe, zvinozoita kuti vaende kumusika mutema.”
Nhengo yevechidiki muCitizens Coalition for Change, VaWomberaishe Nhende, vanoti kusamira zvakanaka kwezvinhu kuri kukonzerwa nekutadza kutonga, kuri kuitwa neZanu PF. VaNhende vati, “Vakomana vari kutonga ava varemerwa."
Vaenderera mberi vachitiwo, "Takazvitaura pavakapinda zvechisimba, netsvimbo mugotsi nekuridzira vanhu pfuti, kuti munogona kuridzira vanhu pfuti, muchirova vanhu, asi hamuzogoni kuridza pfuti muchigadzirisa economy. Vechidiki vakawanda, nekuti havana mabasa, vanozviitira mabhizimusi avo- vamwe vanotengesa pamisika, vamwe vachitengesa shangu, vamwewo vanotengesa mafoni, kotiwo vanoita zvemushikashika. Asi zvese izvi hazvisi kukwanisa kuitika zvakanaka nekuti dhora radonha.”
Asi mukuru wesangano re Young Women for Economic Development kana kuti Women for ED, uyewo vari nhengo yeZanu PF inomirira Seke-Chikomba mudare reparamende, Muzvare Tatenda Mavetera, vanoti bato ravo riri kupomerwa mhosva yarisina.
Muzvare Mavetera vati, “Dambudziko hombe rataita ndere zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe, asi tinoda kutenda hurumende iri kubatsira vechidiki kuti vakwanise kuraramisa mabhizimusi avo zvisinei nekuti nyika ine maSanctions."
Vatiwo, " Zvirango izvi zvi zvinotadzisa nyika yedu kutenga nekutengeserana nedzimwewo nyika. Vechidiki ngavatore kurudziro yemutungamiri wenyika yekusagarira maoko, asi vashande zvine simba.”
Asi VaManzungu vanoti vechidiki vanofanirwa kutora kuoma kwezvinhu munyika semukana wekutsvaga dzimwe nzira dzinounza pundutso muhupenyu hwavo.
VaManzungu vati, “Tikada kutarisa vakuru kwatiri vakaita saana Masiyiwa, dai Zimbabwe yese yanga iiine nharembozha, dai vasina kuita mari, asi izvozvi vave maBillionaire nekuti pakaita mukana."
Vaenderera mberi vachiti, "Saka nguva dzakadai dzekuoma dzinobuditsa mikana, isina chitsotsi inogona kutobuditsa vakuru vemaIndustry. Ndiyo nguva yabuda ana Chicken Slice, ana Nyaradzo, ana Nash Paints- saka zvinotadzika nei kuti nguva ino ibuditse mumwe wechidiki angasvika kunavaMasiiwa?”
Nyanzvi inowongorora nyaya dzehupfumi, uye vari mukuru wesangano reFinx Zimbabwe, Muzvare Happiness Zengeni, vanoyambira vechidiki kuti vasarasikirwa nemabhizimusi avo kuburikidza nekutadza kubata zvakanaka mari dzavanowana.
Muzvare Zengeni vati, “Parizvino chakakosha ndechekuti vechidiki ngavadzidze kusashandisa mari zvisina tsarukano mumishando yavo."
Vatiwo, "Mari ngaiiswe pane chokwadi chekuti inodzoka kana matengesa zvamunoda kutengesa. Munguva ino vanhu vanowanzotengesa nemari yekunze zvakanyanya. Munguva ino, zvinoda kushinga kuti mabhizimusi evechidiki ave anoenderera mberi. Asi inguva inowanika mune zvehupfumi hwenyika, inogona kuzongopera.”
Vanoongorora nyaya dzehupfumi vanoti vechidiki vakawanda vava kutyora mitemo yenyika, kubudikidza nekuda kutambira dhora rekuAmerica chete mumabhizimusi avo, senzira yekuti mabasa avo asaparare.
Nyanzi dzehupfumi dzinoti zvinhu zvakatanga kuipa muna Gumiguru 2018, apo hurumende yakadzosa dhora remunyika ichiti rainge rakaenzana nedhora rekuAmerica.
Asi pari zvino dhora rekuAmerica rava kutengwa pamukoto nemadhora emuZimbabwe ari pakati pezviuru zvisere nezviuru gumi panguva iyo hurumende iri kuvimbisa veruzhinji kuti iri kutora matanho ekudzikamisa mari yemunyika.