Mapato Anopikisa Okurudzirana Kuenda kuMatare Achipikisa Nyaya yeMari Dziri Kubhadhariswa Vachada kuKwikwidza muSarudzo Gore Rino

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeparamende dzakaita bongozozo mudare iri neChitatu pamusoro pemutemo weSI144.

Mutungamiri webato rinopikisa reNationalists Alliance Party (NAP), VaDivine Mhambi Hove, vanoti vachagara pasi nemagweta avo kuti vaone kuti vadzokera here kumatare zvechimbichimbi zvichitevera danho rakatorwa neparamende rekutsigira mari dzakatarwa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, dzinonzi dzichabhadharwa nevanoda kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

Asi VaHove vanoti chimhingamupinyi chikuru chavepo ndechekuti matare anotambira mazita evachada kukwikwidza, eNomination Courts, ari kugara neChitatu svondo rinouya kuti atambire zviri pamutemo mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo gore rino, izvo vanoti zvichavasiya vasina nguva yakakwana yekupikisa danho rekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, iyo yakati hapana mutemo wakatyorwa.

VaHove , avo vari kumirirwa naMuzvinafundo Lovemore Madhuku segweta ravo, vakaenda kudare repamsorosoro reConstitutional Court vachipikisa mari idzi, idzo dzakaziviswa nehurumende kuburikidza neStatutory Instrument 144 gore rapera.

Asi dare iri rakatara kuti nyaya iyi iende kudare reparamende rione kana paine kutyorwa kwemutemo kuburikidza nekuburitswa kweSI 144, asi Parliamentary Legal Committee yakaburitswa gwaro rinoti hapana chakakanganiswa.

Mutungamiri weThe UANC Doctor Gwinyayi Muzorewa.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nemapato anopikisa akawanda ayo ari kunyunyuta achiramba mari idzi, idzo dzinoti zviuru makumi maviri zvemadhora ekuAmerica (US$20,000.00) kune vanoda kukwikwidza chigaro chemutungamiri wenyika, kuchitiwo chiuru chemadhora ekuAmerica (US$1,000.00) kune vachakwikwidza zvigaro zveparamende.

Mutungamiri webato rinopikisa reThe UANC, Doctor Gwinyai Muzorewa, vanoti ruzhinji harwukwanise kudziunganidza mari idzi nekuoma kwaita zvinhu munyika.

“Leadership haifanirwe kumezhiwa nekuti munhu ane marii. Ine chekuita nekuti munhu uyu akakodzera sei kutungamira vanhu. Kusaka inini ndiri kutsigira nyaya yekuti mari yekuti munhu aite president haifanire kutombopfuura pa$1000.00,” Doctor Muzorewa vanodaro.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mutungamiri werimwe bato rinopikisa reZimbabwe Transformative Party,, VaParere Kunyenzura, avo vanoti, “Quality ya leader haienderane nemari iri muhomwe kana yaasina. Takatarisa mari iyi ma proportional representation edu tinoda $26,000.00 (US$), plus $20,000.00 ya presidential candidate, plus 260,000 yema MP. Takaisanganisa mari yese iyi inoda kusvika ku $260,000.00. Saka ielimination by exclusion,”

Mutungamiri webato reZimbabwe Transformative Party, VaParere Kunyenzura

Vamwe muZanu PF vari kutoti dai mari yevanoda kukwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika yakwidzwa kudarika zvairi kuitira kuburitsa vanaBvongodzamuto mudariro.

Doctor Muzorewa vanoti, “Tinoziva kuti ndochanga chiri chinangwa chavo. Ichocho tinoti changa chakanaka nekuti hazviiteba kuti tiite ma presidential candidates anosvika 50 kana 60, that’s a nuisance. Asi nyaya iripo ndeyekuti nyika dzese pasi rose dzine mitemo yekuongorora kuti munhu anokodzera here kukwikwidza."

Vanoti munyika yakaita seZimbabwe inozivikana kuti haina mabasa kwemakore makumi maviri ose adarika aya hazvibatsiri kutara mari dziri pamusoro dzakadaro.

“Ndinofunga kuti panofanira kungoitwa ma criteria mashomashoma. One of them ndeyekuti dai painzi munhu achida kuita apply for this thing, anofanira kupuruvha kuti musangano wake une vanhu here, say zve minimum ye 5 000 it makes sense.

"Chataramba bedzi ndechekushandisa mari as the criteria yekuti kana uine mari unokodzera. Taakuda kudzoka ku colonial kwekunzi kuti munhu uite MP unofanira kunge wakaita Form 4 kana kuti you own a piece of property.”

Doctor Muzorewa vanoti mapato anopikisana nehurongwa uhu anofanirwa kuenda kumatare. asi vachiyambira kuti kana mutemo uchinge wangotambirwa kashoma kuti matare azvipindurudze.

Ukuwo, VaKunyenzura vanoti kuenda kudare kwakanaka asi havaoni paine chinobudako vachiti matare haachina kuzvimirira. Vanoti mungozvigona kuzvisiira kunaMusiki uyo asina nguva yaanonzi amboenda pazororo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Gwinyai Muzorewa naVaParere Kunyenzura