Zimbabwe Yosimbaradza Hukama neBelarus

VaLukashenko naVaMnangagwa

Zimbabwe neBelarus nyika mbiri dzine vatungamiriri vakatemerwa zvirango nehurumende yeAmerica nedzimwe dzekumawirira vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo dziri kusimbaradza hukama munyaya dzezvehupfumi dzichiti izvi ndizvo zvichapa kuti dzibude mumambure ezvirango.

Mutevedzeri wemutungamiri wehurumende yeBelarus VaLeonid Zayats vari kushanyira Zimbabwe parizvino uye nezuro vakaita musangano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnanngagwa kuState House.

Misangano iri kuitwa iyi inotevera yakamboitwa nevatungamiri venyika VaMnangagwa naVaAlexander Lukashenko. Zimbabwe neBelarus dziri kudyidzana munyaya dzekurima uye zvicherwa. Mukuzeya nyaya iyi, Evans Zininga weStudio 7 abata mutauriri mubazi rezvekudyidzana nedzimwre nyika VaLevit Mugejo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Va Levit Mugejo

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reFin-X Zimbabwe, Muzvare Happiness Zengeni vaudza Studio 7 kuti nyika mbiri idzi dzinowirirana nenyaya yekuti dzakatemerwa zvirango zvinopa kuti dziyedze kutengeserana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Happiness Zengeni