Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nemuimbi wenziyo dzechitendero dzakarekera kumusambo weRhythm and Blues neSoul, Tafadzwa Murombedzi, uyo anozivikanwa neremagitare rekuti Taffy Rue.
Taffy ane kambo katsva kachangoburwa kanonzi "Hold On," ako kari pamimhanzi yake ye2023 Production.
Tafadzwa anoti akatanga kuimba mugore ra2014, akazombomira kwemakore mashanu achimbotura mafemo asi anoti pari zvino adzoka zvine mutsindo.
Dzimwe nziyo dzaakaimba dzinosanganisira "Kukunda," "This is The Day," "Promise" na "He knows." Anoti vanhu vari kutambirana nemimhanzi yake zvakanaka chaizvo uye anotenda vatsigiri vake nekumupa rutsigiro rwakakura.
Mugore ra2014, paakatanga mimhanzi, Tafadzwa akapinda mumakwikwi ekutsvaga tarenda anosanganisira ave kunzi Dreamstar, uko kwaakawana mukana wekushanda nevamwe vaimbi vakakurumbira vakaita saLeonard Mapfumo, vakaridzirawo zviuru zvevanhu kunhandare yeNational Sports Stadium gore rakatevera.
Vanoda kubata Taffy Rue vanomuwana pamadandemutande ake anoti Facebook, Twitter neInstagram pasi pezita rekuti @taffyrue.
Mimhanzi yake inowanikwawo paYoutube pasi pezita rekuti Taffy Rue Music.
Your browser doesn’t support HTML5
Tinokupai chimwe chirongwa chemagitare nemusi weChishanu svondo rinouya. Kune vaimbi vanoda kuti titaure navo pachirongwa chedu pano paStudio 7 tibateyi paWhatsapp nhamba dzinoti +1 202 465 0318.
Your browser doesn’t support HTML5