Vamwe Vagari muMaruwa Vonyunyuta neMiripo Inobhadhariswa neMatare emaSabhuku neMadzishe

Dare raMambo Chundu ravakavaka vachibatsirwa neEMA.

Vagari vakawanda mumatunhu akasiyanasiyana emunyika vanoti havasi kufara nemitongo iri kudzikwa nematare emamwe masabhuku, masadunhu kana kuti machinda pamwe nemadzimambo kune vanenge vabatwa nemhosva mumatare aya, vachiti vakawanda vevatungamiri venhartaunda ava vave kuita zvehudyire.

Mumwe asiri kufara nemitongo iyi ndaVaRemigio Garwe vekuMakonde kuMashonaland West. VaGarwe vanoti vakabhadhariswa mombe shanu naMambo Nemakonde mushure mekunge vanoroora mumwedzi waMbudzi gore rapera, vachiti mutongo uyu wainge wakanyanya.

“Mitongo iri kupihwa nemadzimambo ndeyekupenga chaiko, ini ndakabhadhariswa mombe nekuti ndakaroora mwedzi waNovember gore rapera, zvine basa rei izvozvo. Hurumende inofanirwa kupindira munyaya dzematare anaMambo”

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mugari wekuMaronda Mashanu kuChivhu mudunhu reMashonaland East, VaGilbert Masango, avo vanoti mamwe masabhuku ave nehudyire, vachiti vakabhadhariswa masaga mashanu echibage mushure mekunge mombe dzavo dzadya mumunda memuvakidzani wavo panzvimbo diki diki.

Vanoti chakanyanya kuvarwadza ndechekuti rimwe saga rechibage rainzi nderasabhuku.

Matare aya anonzi ari kuripisa kana nechibage.


“Kunyange pakadyiwa nemombe dzangu paive padiki ndakabhadhariswa masaga mashanu rimwe rasabhuku asina kudyirwa munda”

Vagari vakawanda munyika vari kutaura nezwi rimwechete kuti mitongo nemiripo iri kushevedzerwa nemasabhuku, masadunhu nemadzimambo iri kuremera vakawanda.

Ko madzimambo vari kuti chii nezvenyaya iyi???

Mukuru wemadzimambo mudunhu reMashonaland West, uye vari nhengo yeChiefs Council, Mambo Ngezi, vanoti mitongo yechivanhu haina payakanyorwa asi inoenderana nenzvimbo uye nemhosva dzinenge dzichitongwa.

“Mitongo yechivanhu haina payakanyorwa uye mitongo haifanane inoenderana nenzvimbo”

Mambo Ngezi vanoti semuenzaniso, panyaya iri kunetsa nyika yose yekuti masabhuku ave kuda mari yekusumwa nezvekufa kwemugari wemumabhuku avo, kana kuti yemhere, mhuri inofanirwa kubvisa huku, asi mambo anofanirwa kuzoendesa mabhagidhi echibage chehupfu hunofanirwa kudyiwa parufu kwete kubvisiswa mari.

Vanhu vari kubvisiswa mari inosvika kumadhora gumi kana kudarika zvichienderana nenzvimbo ichinzi ndeyekuzivisa sabhuku nezverufu rwunenge rwaitika munzvimbo make.

Mutungamiri wemadzimambo Mambo Fortune Charumbira

Mambo Katizagombo vekwa Zvimba vanotiwo muripo unokura kana mupari wemhosva akarega kuenda kudare, vachiti vakawanda vanozvidza matare emadzimambo vorega kuenda zvinozoita kuti mutongo upihwe pasina anopikisa.

“Nguva dzakawanda mitongo inopihwa mupari wemhosva asipo anenge asina kuenda kudare, vanhu vakawanda vanozvidza matare ana Mambo zvinozoita kuti vapihwe mutongo pasina anenge achipikisa. Kana munhu aripo anogona kuchemachema”

Mambo Clemence Nembire vekuMashonaland Central, vanobvuma kuti maungira ekuchema kuri kuita vagari ari kunzwikwa, asi vachiti masabhuku basa ravo nderekutsiura kwete kutonga nyaya sezvo vasingabvumirwe nemutemo.

“Sabhuku basa rake ndere kutsiura haana bvumo yekutonga munhu nekuti haana simba racho pamutemo. Mambo ndiye chete anobvumirwa kutonga”

Mambo Nembire vanoti nekuda kwekuwanda kwevanhu pamwe netsika masabhuku vanopiwa kuti vatarise mhosva dzine miripo isingadariki huku imwechete.

Mumwe sabhuku wekuHurungwe kuMashonaland West, VaDhibho Karengesha, vanoti mitongo yavanopa pamwe nemiripo yavanotara vanozvipihwa namambo kwete kuti ndezvemumusoro mavo.

“Sabhuku anoshandisa mutemo waanenge apihwa naMambo kwete zvemusororo wake”

Munhu anenge asina kufadzwa nemutongo wasabhu, jinda ramambo kana namambo anogona kukwidza nyaya yake kudare ramejasitiriti.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi

Patabvunza pamusoro pemari dzinonzi dziri pamusoro dzinoripiswa nematare emumisha idzo dzachemedza vakawanda, gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti vanoda kupindura paine muenzaniso wenyaya dziri kuchemwa nezvadzo.

“Handizive kuti mitongo ipi yavari kuchema nezvayo kuti ndipindure zvakazara”

Mugore ra2012 vaimbove Ishe Negomo, VaLuscious Chitsinde vekuMashonaland Central, vakaripisa vaive mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, mombe mbiri, hwai mbiri nemucheka muchena wakakura mamita gumi pamwe nefodya yebute mushure mekuvabata vaine mhosva yekuroora mumwedzi waMbudzi.

Zvinangwa zvematare emasabhuku, masadunhu nemadzishe ndezvekugadzirisa makakava mumamana vachipiwa masimba nebumbiro remitemo yenyika, asi vaine masimba mashoma panyaya dzine chekuita nedzimwe mhosva dzakaita sekuba, nekurovana.

Matare aya haana masimba ekutonga mhosva dzakakomba dzakaita sedzekupondana nekubata chibharo, idzo dzinonzi dzimhan’garwe kumapurisa dzozonzwikwa mumatare edzimhosva.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Nunurai Jena