Bato reCitizens’ Coalition for Change Rinopeta Hurongwa hweKutsvaga Vacharimirira muHarare muSarudzo dzeGore Rino

Nhengo dzeCCC dzakwikwidzana muHarare East, VaTendai Biti anaVaRusty Markham.

Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change nhasi rapedza chirongwa charo chekusarudza vacharimirira musarudzo dzegore rino kuburikidza nemisangano yaitwa mudunhu guru reHarare, uye bato iri rinotarisirwa kuzivisa vanhu vabudirira vacharimirira chero nguva ipi zvayo kubva pari zvino.

Mudunhu reHarare East, VaRusty Markham vakunda VaTendai Biti uye ndivo vachamirira bato musarudzo kana zvabuda zvakatambirwa nemuzinda webato iri.

VaMarkham vaudza Studio 7 kuti vawana rutsigiro rwakawanda kudarika rwawanikwa naVaBiti.

“Ndawana vanhu vakawanda kudarika wevandanga ndichikwikwidzana navo. Takunda nevanhu vashomanana makumi matau kana makumi mana.”

MuWard 9 kwakare kuHarare East, VaBiti vavhoterwa nevanhu mazana maviri nemakumi mashanu nevana (254) VaMarkham vakavhoterwa nevanhu mazana maviri nevamakumi maviri nevasere.

VaRusty Markham veCCC

Asi VaMakharm vanonzi vawane mavhoti akawanda kuWard 18 makare muHarare East.

Vange vachitungamira chirongwa ichi munzvimbo iyi, VaWebster Maondera, vanoti hazvirevi kuti vanhu vakunda nhasi ndivo vachamirira bato musarudzo dzemuna Nyamavhuvhu, vachiti pane zvimwe zvichatariswa nemusangano.

“Mangwana tichaita musangano wekuzeya zvaitka nhasi uye bato richazivisa zviripamutemo vanhu vachamirira bato musarudzo”

VaBiti pachavo vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti bato ndiro richataura kuti ndiani achamirira bato zvisinei nezvaitika nhasi.

“Ndinokutendai nekutsigira VaChamisa, nekutsigira VaTendai Biti. Taakumirira Head Office ndiyo ichatiudza kuti ndiani achamirira bato”

VaMarkham vaudza Studio 7 zvinhu zvafamba zvakanaka uye havana kana chinyunyuto.

“Ndirikuona zvinhu zvavanikdza kwese kwese vanhu vachida kuziva kuti ndiana achavamirira. Chandifadza nhasi nhasi ndechekuti vanhu vakabatana.”

Mumwe wevanga vachikwikwidza muHarare Central, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vaudza Studio 7 kuti vamirira kunzwa kubva kubato ravo kuti ndiani achamirira bato mudunhu iri.

Nhengo dzebato reCCC mu Harare East

MuHarare mune matunhu makumi matatu akatarwa neZimbabwwe Electoral Commission, umo manga muchisharwa vachmirira bato iri musarudzo. Tanga tisati tanzwa zvabuda kubva mune mamwe matunhu, izvo zvichaziviswa nemuzinda webato iri.

Mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti vafara nekubuda kwaita vanhu vachisarudza vanhu vavanoda kuti vavamirire musarudzo.

“Taona Harare yabuda muhuwandu hwayo hwose kuti isarudze vamiriri vayo.Chatiri kufara nacho ndechekuti Harare ndiyo yange yasara, nyika yese tange tapedza.

Mune mamwe matunhu akaitwa hurongwa uhu neCCC, dzimwe nhengi dzinonzi dziri kunyunyuta nemafambisirwo akaitwa nzira dzekushara nadzo vachapinda musarudzo.

Nhengo yeCCC, Muzvare Netsaqi Tangai

Matare eZimbabwe Electoral Commission rekutambira zviri pamutemo mazita evanhu vachakwikwidza musarudzo dzegore rino, eNomination Courts achagara nyika yose nemusi weChitatu svondo rinouya achitambira mazita evanhu vachakwikwidza kusarudza dzichaitwa muna Nyamavhuvhu.

Bato reZanu PF rakatopedza kare hurongwa hwaro hwekutsvaga vachkwikwidza vakarimirira musarudzo dzegore rino. Ukuwo, bato reMDC inotungamirirrwa naVaDouglas Mwonzora ranga richitarisirwawo kuita hurongwa hwekusarudza vachrimirira musarudzo mukupera kwesvondo rino.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya