Sangano reVarairidzi rePTUZ Rinozivisa Kuti Nhengo Dzaro Hadzichakwanisa Kuenda kuMabasa Mazuva Ose

  • Jonga Kandemiiri

VaTakavafira Zhou naVaRaymond Majongwe vePTUZ.

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti razivisa hurumende kuti nhengo dzaro hadzichakwanisa kuramba dzichienda kumabasa mazuva ose nekuda kwekuomerwa nehupenyu.

Gwaro rakanyorwa nesangano iri neChishanu richienda kuna sachigaro vePublic Service Commission rinoti mihoro yevarairidzi yemwedzi uno waChiChikumi yakatambirwa nevarairidzi neChishanu haina chaichakwanisa kuvaitira sezvo huremu hwedhora remunyika hwadyiwa zvakanyanya ne inflation.

Munyori wePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti varairidzi havasi kuona kuzvipira kwehurumende kugadzirisa zvichemo zvavo, kunyange iri kuvapa vimbiso nguva nenguva.

"Chiripo chikuru ndechekuti vashandi veProgressive Teachers Union Zimbabwe, vanove vadzidzisi munyika vari kutsutsumwa kuti hurumende haisi kuvabata zvakanaka. Iye zvino mari yatambirwa musi weChishanu uno uyu imari shoma zvikuru. Panga paine tarisiro yeimwe mari yainzi nehurumende $80.00 inonzi inoteedzera U.S. dollar, mari iyoyo haina kuuya," VaMajongwe vanodaro.

Vanowedzera vanoti chichemo chinoramba chiri chimwechete chekuti mari haisi kukwana, zvave kuita kuti vashandi vaende kumabasa mazuva mashoma.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, avo vari kuGeneva, kuSwitzerland, vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe