Zimbabwe Yopa WFP Chikafu Chekubatsira Vapoteri

Tongogara Refugee Camp

Hurumende yeZimbabwe inoti yakazvipira kuti vapoteri vari munyika vagare zvakanaka vachidya vachiguta.

Izvi ndizvo zvaita kuti nhasi yapamatani zviuru zvina nemazana mana echibage kusangano reWorld Food Program (WFP) kuti ripe kuvapoteri vanodarika zviuru gumi nezvitanhatu (16 000) vari kuTongorara Refugee Camp kuChipinge.

Munyori mubazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaSimon Masanga, apo vasainirana chibvurano chekushanda pamwe neWFP pakuendesa chikafu kuTongogara Refugee Camp.

VaMasanga vaenderera vachiti WFP yaisitenga chibage chekupa vapoteri kubva kunze kwenyika uye hurumende yaona zvakakodzera kushanda neWFP.

Pasi pechirongwa ichi WFP ndiyo ichaendesa chibage ichi kuTongogara uyewo ichapa vapoteri ava mari uye yakakatoisawo miriyoni yemadhora eku America yekushandisa pachirongwa ichi.

VaMasanga vatiwo kunze kwekupa vapoteri chikafu hurumende yakapawo vapoteri venzvimbo yekuita madiridziro kuti vazvirimire chikafu chavo.

Mukuru weWFP muZimbabwe, Amai Franseca Erdelmann, vati zvinofadza kuti nyika dzakaita seZimbabwe dzakazvipira kuona kuti vapoteri vawana chikafu chakakwana.

Vaenderera mberi vachitenda Zimbabwe nekuramba ichitambira vapoteri nevamwe vari kutsvaga hugarao munyika kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.

Mukuru wechikamu cheUnited Nations chinoona nezvevapoteri munyika kana kuti United Nations High Commissioner for Refugees, VaAhmed Baba Fall, vati chirongwa chehurumende yeZimbabwe neWFP chakanakiria vapoteri nekuti vanowana chikafu.

Zimbabwe ine vapoteri vanodarika zviuru gumi nazvitanhatu (16 000) uye vazhinji vacho vanogara kuTongogara.

Mukuru anoona nezvevapoteri mubazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaTotamirepi Tirivavi, vati Zimbabwe inotambira vanhu vari pakati nemakumi maviri nemakumi mashanu pamwedzi vanotsvaga hupoteri munyika uye vazhinji vavo vanobva kumabvazuva kweDemocratic Republic of Congo nekumaodzanyemba eMozambique.

Vazhinji vavo, zvikamu makumi masere kubva muzana vanhukadzi nevana vadidiki.

Mangwana Zimbabwe ichabatana nenyika dzepasi rino kucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugees Day, iro riri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekuva netarisiro yakanaka kunyangwe munhu ari muhupoteri kana kuti “Hope Away from Home.”

Sangano revashandi reThe International Trade Union Confederation rinoti gore rapera, huwandu hwevanhu vainge vamanikidzwa kuenda muhupoteri hwainge hwadarika zana remamiriyoni kana kuti 100 million.

Vanhu zvikamu makumi manomwe nemana kubva muzana kana kuti 74% vanotsvaga hupoteri vari munyika dzisina kunyanyobudirira kana kuti dzine hupfumi huri pasi nehuri pakati kana kuti low and middle income countries. Nyika dzine hurombo hwakanyanya dzinopa hupoteri kuvanhu vanosvika zvikamu makumi maviri nemaviri kubva muzana kana kuti 22%.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya