America nezuro yakasvika makore matatu ichicherechedza zuva re Juneteenth sezuva rezororo riri pamutemo.
Juneteenth izuva rinobva paJune Nineteenth unova musi wakasvika mauto munzvimbo yeGalveston, Texas muna 1865 kuona kuti vanhu vatema vose vainge vachibatwa senhapwa vasungunurwa.
Kunyangwe painge paitwa chibvumirano chekusungunura vatema vaive muhunhapwa makore maviri nechidimbu ainge adarika, Texas yairamba kutevedzera mutemo uyu kana kuti Emancipation Proclamation.
Vaive mutungamiri wenyika yeAmerica panguva iyi, VaAbraham Lincoln vakaisa ruoko rwavo pagwaro rekusungunura vatema kubva muhunhapwa musi wa 1 ndira 1863. Muamerica mainge mamboita hondo pane vairamba kuti vatema vapihwe kodzero dzavo nevaida kuti izvi zviitwe.
Chizvarwa che Zimbabwe vari murwiri wekodzero dzevanhu, uye mukuru wesangano re Phumulani - Minnesota African Women Against Violence, Muzvare Comfort Dondo vanoti zuva reJuneteenth rakakosha kumunhu mutema wese zvisinei nekuti anobvepi kana kuti akazvarirwa kupi sezvo vanhu vatema vese vachibva padzinde rimwe chete.
Your browser doesn’t support HTML5