Mumwe Mupoteri Kubva kuRwanda Anoti Zimbabwe Iri Kumubata Zvakanaka

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaValens Baranyanga vekuRwanda asi vave kugara muZimbabwe umo vakapotera.

Chimwe chizvarwa chekuRwanda chinogara muZimbabwe semupoteri, VaValens Baranyanga vanoti vari kubatwa zvakanaka uye vakatambirwa nemaoko maviri mushure mekutiza nyika yavo nekuda kwehondo.

VaBaranyanga vanoti vatove nemhuri uye vana vavo vakazvarirwa muZimbabwe nemudzimai wavo wekunyika yavo asi akazoshaikira muZimbabwe.

Zimbabwe nenyika dzepasi rose dziri kutarisirwa kucherechedza zuva revapoteri nhasi. "Ini ndavakutoita semunhu wemuno muZimbabwe sezvo ndave kutotaura chirudzi chemuno uye ndinotevedzera nyika nemagariro emuno." VaBaranyanga vaudza Studio7.

Vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinonzwisisa nekuremekedza vapoteri vanobva kunyika dzakasiyana siyana. Vati, "Tino remekedzwa zvikuru sevapoteri vanobva kune dzimwe nyika nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinoziva kuti vamwe vemunyika iyi vakambopoterawo kune dzimwe nyika muAfrica panguva yehondo yechimurenga."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaValens Baranyanga