Pasi Rose Rocherechedza Zuva reVapoteri United Nations Ichiti Vakawanda Vave Kuramba Vachienda Muhupoteri

Mumashoko kuvatori venhau, munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vati nyika dzepasi rino dzasvika panguva yekufanira kuona chiyedza pakukura kwedambudziko iri.

Vati munyika dzakawanda hamuna kugadzikana zvasiya vakawanda vapinda muhupoteri. VaGutteress vari muTurkey nhasi kucherechedza zuva iri.

Botswana inoti yaisa parutivi mari inodarika mamiriyoni gumi emapula, sezvo nyika iyi iri kuronga kuita zvirongwa zvekurima paDukwi Refugee Camp kuitira kusimudzira magariro evapoteri.

Izvi zvabuda nhasi pamhemberero dzekucherechedza zuva revapoteri reWorld Refugee Day iro raitirwa pamuzinda weDukwi Refugee Camp uyo uri chinhambwe chemakiromita zana nemakumi matatu kumadokero eguta reFrancistown muBotswana.

Gurukota rezvemitemo muBotswana, VaMachana Shamukuni vati chinotarisirwa nevanhu kuchengetedzwa nekuchengetedzwa kwehupenyu, tariro yepokugara, tariro yekudya pamwe chete netariro yekuwana kuporeswa.

Vaenderera mberi vachiti tarisiro kuti hurongwa uhu huchashandura magariro evapoteri pamuzinda uyu sezvo vanenge vave kukwanisa kurima zvirimwa votengesera vanhu vari munharaunda.

Mukuru musangano rinorwira kodzero dzevapoteri kumaodzanyemba kweAfrica reUnited Nations High Commission for Refugees (UNHCR) South Africa Multi-Country Office, VaIgor Ciobanu vati vachashanda nehurumende kuona kuti vapoteri ava vachengetedzeka.

Hurongwa uhu hwafadza zvikuru zvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvitanhatu zvakasara muhupoteri pamuzinda uyu mushure mekudzokera kumusha kwevamwe vavo.

Amai Patience Takaona, avo vanoti vakatiza mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna2008, vati hurongwa uhu hungapedza nzara yanga yapfunya chisero pamuzinda uyu.

Vati nzara ndiyo yanga yoda kudzinga vanhu pamuzinda uyu sezvo sangano reUNHCR ranga roderedza huwandu hwechikafu chinopihwa vapoteri nokuda kwekushaya mari.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muhupoteri paDukwi, VaSakhile Manama vanoti vamirira hurongwa hweBotswana huchabatsira zvikuru nokuti kumusha kuchakaberekera ingwe.

Sangano reInternational Trade Union Conference rinoti gore rapera vanhu vanodarika zana remamiriyoni vakapinda muhupoteri mushure mekumanikidzwa kusiya misha yavo.

Zimbabwe yange iine vapoteri chiuru chimwe chete nemazana masere vange vachigara paDukwi, asi vazhinji vavo vakadzokera kumusha pasi pechirongwa chaikurudzira vapoteri ava kuti vadzokere kuZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo