VeChidiki Makumi Mana neVaviri Voenda kuAmerica Pasi peChirongwa cheMandela Washington Fellowship

  • Jonga Kandemiiri

Yali Test

Muzinda weAmerica muZimbabwe wazivisa nhasi kuti vechidiki makumi mana nevaviri vasimuka munyika nhasi vakananga kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship for Young African Leaders kana kuti MWF 2023.

Mumashoko kuvatori venhau padandemutande reTwitter, muzinda uyu wati vechidiki ava vachanokwenenzvera ruzivo ravo munyaya yemabhizimisi, nekushanda neveruzhinji mumakambani akasiyana siyana mumaUniversity ekuAmerica. Vari kutarisirwawo kupinda munharaunda vachisangana nevanhu.

Chirongwa ichi chakatanga muna 2010 chichinzi Young African Leaders chichiitwa nemutungamiri wenyika panguva iyi VaBarack Obama uye bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Chakanangana nekusimudzira mabasa anoitwa nevechidiki muAfrica. Kusvika parizvino, chirongwa ichi chakwanisa kudzidzisa vana zviuru zvishanu nezana kana kuti 5, 100.

Muzvare Samantha Sibanda vakambopinda muchirongwa ichi makore adarika vaudza Studio 7 kuti vari kuenda ava vachadzoka vanyatsorodza pfungwa zvichavabatsira mumabasa avo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Samantha Sibanda