Zimbabwe Yotangazve Mangwana Kuvhiya Vane Zvirwere zveMoyo, Mushure Mekumbomira kweMakore Mana Nekushaya Mari

Zimbabwe iri kutarisirwa mangwana kutangazve kuvhiya vanhu vanorwara nechirwere chemoyo kana kuti “heart surgery” kuchipatara cheParirenyatwa muHarare. Pachatanga nekuvhiyiwa munhu mumwe chete.

Nyika yakapedzisira kuita izvi mugore ra2018 nekuda kwekushaya zvikwanisiro zvakaita semishonga nemichina.

Vari kutungamira hurongwa uhu, inyanzvi yezvirwere zvemoyo Dr Simukai Machawira (Specialist Cardiovascular and Thoracic surgeon) vaudza Studio 7 kuti vane chikwata chevanhu gumi nevashanu chinosanganisira vakoti navanachiremba vachange vachibata basa mangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimukai Machawira

Vari muchikwata ichi vose zvizvarwa zveZimbabwe. Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Simbiso Ranga vanogara muNorth Carolina, America vaudza Studio 7 kuti kurapa zvirwere zvemoyo kunodhura asi zvakakosha kuti hurumende iise mari parutivi nekuti hapana nyika inobudirira kana vanhu vasina hutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga