Murwere weMoyo Ovhiyiwa muNyika Kekutanga Mushure Memakore Mashanu

Zimbabwe nhasi yatanga chirongwa chekuvhura moyo pachipatara cheParirenyatwa izvo zvakaguma kuitwa muna2018 .

Vakuru pachipatara cheParirenyatwa vaudza Studio 7 kuti vange vacchitarisira kuti hurongwa hwekuvhiya murwere wekutanga Muzvare Blessing Bonda unge wapera nguva dzekuma 7 manheru ano. Hurongwa hwekugadzirira kumuvhiya hwange hwatanga mangawanani ano. Vari kutungamira hurongwa uhu ndiDr Simukai Machawira.

Parirenyatwa ndicho chipatara chega chichange chichiita maoperation ekuvhura moyo aya asi paine hurongwa hwekuzoita zvimwe chetezve kune zvimwe zvipatara zvikuru zvakaita seMpilo kuBulawayo kana pawanikwa zvikwanisiro. `

Vachitaura nevatori venhau nezuro, Dr Machawira vakati kuvhurwa kwemoyo kwakapedzisira kuitwa 2018 vakazivisawo kuti vari kushanda nechikwata chavanachiremba nevakoti vari pakati pegumi nevashanu nemakumi matatu.

Vanotiwo vana vanodarika zviuru zvina pagore vanoita dambudziko rezvirwere zvemoyo munyika vachiti vamwe vanozongopedzisira vashaya. Dr Machawira vati, "Vana varipasi kana kuti vanodarika 4000 munyia pagore vanenge vachida kuvhurwa moyo asi vakawanda vavo vanoshaya nekusarapwa."

Vachitaura apo panga pachigadzirirwa kuti Muzvare Bonda vatange kuvhiyiwa, gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaConstantino Chiwenga vati kunyangwe izvi zvakapedzisira kuitwa munyika muna 2018, vakwanisa kuunganidza zvikwanisiro zvinodiwa kuti zviitike zvakare. VaChiwenga vati, "Panguva yese iyi tanga tirimushishi yekuti tiunganidze zvikwanisiro zvacho zvinodiwa nekuti nyaya yekuvhura moyo pane basa." Vaenderera mberi vachit, "Panoda zvikwanisiro zvacho zvepamusoro uye zviripo zvese nemishonga yacho saka izvi zvakaunganidzwa."

Vatiwo Muzvare Bonda uyo anemakore makumi maviri nemapfumbamwe ekuberekwa uye ari nherera anga asisakwanisi kuita mabasa kusanganisira kubika nekuda kwechirwere chemoyo ichi. Vatiwo vanga vachisangana nedambudziko rekuda kuvhurwa moyo vanga vachinorapwa kunze kwenyika.

Nyanzvi munezvehutano uye vaimbove gurukota rezveutano, Dr Henry Madzorera vati kunyangwe zvazvo zvichifadza kuti varwere vave kukwanisa kurapwa chirwere chemoyo munyika zvinhu zvinosuwisa kuti nyika yakaita seZimbabwe ipedze makore ichitadza kuzviita. Dr Madzorera vaudza Studio 7 kuti, " Hazvifanirwi kutombobuda panhau kuti taita "open heart surgery" zvinhu zvatofanirwa kunge takungoita kuzvipatara zvakawanda kwete PaParirenyatwa chete."

Munyika manga musina chipatara chehurumende kana chakazvimiririra change chichivhura moyo.

Nyanzvi dzinoti oparesehni yekuvhura moyo inogona kutora maawa matatu kana mana kana pasina zvakaoma zvinogona kutora maawa anodarika gumi nematanhatu kana murwere aine zvimwe zvinogona kukanganisa kuvhiyiwa kwake.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere