Tunisia yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzezvehupfumi, kukwira zvakanyanya kwemitengo yezvinhu, kushaikwa kwezvekudya nemabasa
Munyika yakatanga chimurenga chekurwira hutongo hwejekerere kana kuti Arab Spring, remangwana harina kujeka.
Tariro kuti zvinhu zvichanaka munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi iri kuramba ichidzikira.
Pari kutyirwa kuti nenyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi, Tunisa ichatadza kubhadhara zvikwereti zvayo zvichapa kuti hupfumi hubve hwananga kumawere zvichatowedzera hurombo munyika iyi nekutambura kwevanhu kawakatonyanyisa.
Muna Gumiguru 2022, bhanga reInternational Monetary Fund kana kuti IMF rakawirirana nehurumende yeTunisia kuti yaizopihwa mari inosvika bhiriyoni imwe chete nemamiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti US$1,9 billion ndokunge nyika iyi yatenda kuvandudza zvinhu uye kudzikisa mari inobhadharwa nehurumende pamutero wekutenga gorosi nemafuta ekufambisa dzimotokari.
Asi asi kunyorerena chibvumirano kuti poitwa sei kuzadzikisa zviri kudiwa kunonzi kuri kukona n'anga murapwa achida.
Mushure mekushanyira Tunisia mwedzi uno, mutungamiri weKomisheni yeEU kana kuti European Commission Amai Ursula von der Leyen uye mutungamiri wehurumende yeItaly Amai Giorgia Meloni vakazivisa nezvechido chekubatsira Tunisia.
EU neTunisia dzakatenderana kushanda dzose munyaya dzekutengeserana, kushanyirana nezvimwe. EU yakati yainge yakagadzirira kupa Tunisia rubatsiro rwemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemaEuro. Paive netarisiro yekuti danho iri nereMF zvaizobatsira Tunisia.
Pamusangano nevatori venhau muWashington DC pakati pegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muItaly VaAntonio Tajani, VaBlinken vakati vari kufara kuti Tunisia yakati iri kuda kuvandudza zvinhu kuti ibatsirwe neIMF.
Vakati iri idanho rinogona kutorwa neTunisa chete nekuti inyika yakazvimirira. Asi vakati kuti isaende kumawere inoda rubatsiro rwedzimwe nyika. Vakatenda EU nekuratidza chido chekubatsira Tunisia vakakurdzirawo IMF kuti iuye negwara rakajeka rekuti Tunisia yobatsirwa sei.
Asi VaBlinken vati America inoda kuona Tunisia ichibudirira.
Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muTunisia.
Your browser doesn’t support HTML5