Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotarisirwa Kusangana kuWest Virginia muAmerica kuMusangano we African Apostolic Faith Inotungamirwa naVa Mwazha

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mufundisi Moira Mugobogobo

Mufundisi Moira Mugobogobo, vekereke yeAfrican Apostolic Faith inotungamirwa naBishop Mwazha, vanoti vachange vane musangano mukuru uchatanga Chishanu paPotomac Christian Center iri mudunhu reWest Virginia muno muAmerica, apo parikutarisirwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva pasi rose.

Mufundisi Mugobogobo vanoti gungano iri richange richinamatira vana veZimbabwe mune zvese zvinovashungurudza uye vachange vachinamatirawo nyika iyo yakatarisana nesarudzo gore rino.

Vanoti gungano iri rinenge risineyi nezvematongerwo enyika asi rinenge richinatira vese vachange vari musarudzo, uye pachange pane mabhishopu anobva kune dzimwe nyika, vachitarisira kuti vachakwanisa kuenda vachakomborerwa.

"Tiri kutarisira kuti vana veZimbabwe vanobva kunzvimbo dzakawanda pasi rose vawane mukana wekunyengetera nekuwadzana vari pamwechete vachitungamirwa muminamato nevafundisi vazhinji vachinamata pamwechete," Mufundisi Magobogobo vaudza Studio7.

"Takatarisira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zvichabuda kubva musi weChishanu kusvika musi weSvondo kuti tibatane pamunamato wekunamatira zvatinosangana nazvo muhupenyu kure nenyika yechizvarwa," Mufundisi Mugobogobo vaenderera mberi.

Vanoti kereke yavo ichange ichibatsira vanenge vasina chekufambisa kuti vakwanise kusvika kuPotomac Christian Center, iri kuWest Virginia.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMufundisi Moira Magobogobo