Mutungamiri webato rinopikisa re LEAD, Muzvare Linda Masarira, vakwira kudare reHigh Court vachipikisa danho redare reNomination Court rekuvanyima mukana wekuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika.
Ukuwo, bato reMDC-T rinotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora raendesawo zvichemo zvaro kudare rinoona nezvesarudzo reElectoral Court pamusoro pearinoti mabatirwo akaitwa nhengo dzaro dzaida kukwikwidza mumatunhu akawanda emunyika neZimbabwe Electoral Commission.
Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaChengetai Guta, vanoti bato ravo rakakundikana kubhadharira nhengo dzaro mari dzaidiwa mushure mekunge ZEC yaramba kutambira nzira dzekubhadhara nadzo dzavaida kushandiswa, izvo zvakaita kuti vose vaifanirwa kumirira bati iri vakundikane kuzotambirirwa magwaro avo.
Mushure mekubudirira kuisa magwaro enhengo dzaro dzose dzichakwikwidza musarudzo gore rino, bato reZanu PF rakazivisa kuti richange richiparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro riri kuChipinge mudunhu reManicaland neMugovera.
Murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vakaudza vatori venhau kuti musangano uyu uchaitirwa paMutema High School kuChipinge kwakare.
Ukuwo, bato rinopikisa reCCC richange richiitawo musangano nenhengo dzaro muGermiston, Johannesburg, muSouth Africa Mugovera wakare.
Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangno muCCC, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kui musangano uyu uchatungamirwa nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa, uye uchaitirwa panzvimbo yeGermiston South Primary Grounds.
Vanhu gumi nemumwe vanoti mutungamiri weZanu PF, vari mutungamiri wenyika,VaEmmerson Mnangangwa veZanu PF, VaNelson Chamisa veCitizens' Coalition for Change , VaLovemore Madhuku National Constitutional Assembly, VaDouglas Mwonzora veMovement for Democratic Change, VaJoseph Makamba Busha veFreezim Congress, VaTrust Chikohora veZimbabwe Coalition for Peace and Development vachange vachikwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika.
Vamwe vakabudiririra kusvitsa magwaro avo ndaVaBlessing Kasiyamhuru veZimbabwe Partnership for Prosperity Party, VaHarry Peter Wilson veDemocractic Opposition Party , VaSavior Kasukuwere avo vakazvimirira uye Doctor Gwinyai Henry Muzorewa veThe UANC, pamwe naVaWilbert Mubaiwa vebato reNPC.