Muchirongwa che magitare chesvondo rino Studio 7 yaita hurukuro naAmanda Takawira, uyo anoimba musambo wenziyo dzechitendero, achiitawo zvakare zvekunyora mifananidzo, kana kuti Fine Art, nhetembo nezvimwe zvakawanda.
Muimbi uyu akaberekerwa nekukurira muHarare, kuZimbabwe, uko kwaanoti ndiko kwaakatangira kuridza magitare. Amanda anoti akakurira mumhuri inotya Mwari, nekudaro vabereki vake vaimukurudzira kuti aimbe kuchechi nekuchikoro pakukura kwake.
Mumakore ake mashanu ekutanga ari kuCanada, Amanda akaimba nechikwata che The People’s Gospel Choir chiri kuMontreal, icho chaanoti chakamusimudzira zvakanyanya pachipo chake chekuimba.
Mushure mekuita tsaona yemotokari muna 2020 izvo zvakaita kuti asiye basa rake remaoko raaizviitira, hupenyu hwaAmanda hwakangoerekana hwashanduka. Asi iye anoti zvakamudzosa pamavambo ndokutanga kusimudzira kuimba, kunyora, kudetemba uye kunyora mifananidzo.
Amanda anoti achiri kushamiswa nemashandiro anoita Mwari achiti anoedza kugovera rudo netariro yaKristu kuburikidza nezvipo zvaakapihwa.
”Munyika izere nekurasikirwa, tariro inowanikwa muna Kristu. Hupenyu hutsva hunowanikwa muna Kristu,” anodaro Amanda.
Achitora mashoko mubhuku rehuchenjeri muna 1 Madzimambo 18:41 Amanda anoti, “Kwirai, mudye, munwe; nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji".
Amanda anowanikwa padanemutande reInstagram rinoti https://instagram.com/amandatakawira, uye mimhanzi yake nenhetembo dzake zvinowanikwa pa Youtube pasi pezita rekuti Amanda Takawira.
Your browser doesn’t support HTML5