Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanokurudzira Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muSouth Africa Kudzoka Kumusha Kunovhota

  • Jonga Kandemiiri

Vatsigiri veCCC vari muSouth Africa vachitambira mutungamiri wavo, VaNelson Chamisa.

Kwanga kusingadaidzwi anonzwa neMugovera apo mutungamiri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, VaNleson Chamisa, vasangana nemazana evatsigiri vavo vari muSouth Africa vakavakurudzira kuti vadzoke kumusha nehuwandu hwavo kunovhota musarudzo dziri kuuya.

VaChitaura pamusangano waitirwa munhandare yechikoro cheGermiston South Primary chiri muJohannesburg, VaChamisa vati zvakakosha kuti vatsigiri vavo vavo ava vavewo nendima yavanobata pakuunza shanduko muZimbabwe, vachitiwo ivowo vaunza shoko rekuti shanduko iitike.

VaChamisa vatiwo bato ravo richaparura hurongwa hwaro hwekutsvaga rutsigiro mumasvondo mashoma anotevera., vachiti pavari kutaura kudai vamwe vanorwira shanduko munyika vakaita saVaJob Sikhala naVaJacob Ngarivhume, vari mumajeri, VaJonathan Moyo vari kuKenya kuchitiwo vaSavior Kasukuwere nevamwe vari muSouth Africa.

VaNelson Chamisa, (vari pakati)

Mutungamiri weCCC vatiwo zvinhu zvaparara munyika zvawandisa asi ivo vakapinda panyanga vachazvigadzirisa zvekuti vese vari kushanda kunze kwenyika vachadzoka kumusha.

VaChamisa vatendawo hurumende yeSouth Africa nekuchengeta zvizvarwa zveZimbabwe kwairi kuita.

Mumwe apinda mumusangano uyu, VaPeter Tivenga, vanove sachigaro weboka revechidki mubato reCitizens Coalition for Change, vanoti ivo sevechidiki vari kuda kudzokera kumusha konogadzirisa zvinhu.

Mumwe apinda mumusangano uyu, VaMunyaradzi Midzi, vanotiwo vafadzwa zvikuru nekuenda kwaVaChamisa kunosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa, vachiti vazhinji vevanhu vari munyika iyi ndeavo vakanga vakabata bato rinopikisa iri vachiri kumusha.

Muzvare Shala Mubaiwa, avo vaendawo kunonzwa zvanga zvakapakatwa nemutungamiri webato ravo vanotiwo vanoda shanduko muZimbabwe, uye shanduko iyi ichaunzwa naVaChamisa.

VaNelson Chamisa vari muSouth Africa.

Musangano uyu wauya panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa zviri kushungurudzwa nezvizvarwa zvenyika iyi zvichinzi zvibude munyika iyi, kunyange hazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permit zvakawedzerwa nguva yekugara munyika iyi.

Vazhinji vevana veZimbabwe vari muSouth Africa havana kuwana mukana wekunonyoresa kuvhota kumusha, vamwe vavo vachiti dai hurumende yeZimbabwe yakaita kuti vakwanise kunyoresa muvhota vari munyika dzavagere.

Mangwana VaChamisa vari kutarisirwa kupinda mune mumwe musangano uko vanotarisirwa kuti vachataura kuti hurumende yavo ichashanda sei nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri