Vatsigiri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vari kurwadzikana kuti hapana chiri kuitwa kuti chikwata chavo chema Warriors chitambe zvekare neve kune dzimwe nyika mushure mekuona vavakidzani veZimbabwe vachikwikwidza muAfcon 2023.
Vatsigiri venhabvu ava vari kurwadziwa kuona South Africa, Malawi, Mozambique, neZambia, dzichipinda munhandare nekufadza vateveri vadzo nezvidavado munzira yeAfcon 2023.
South Africa yakarova Morocco 2-1, Mozambique ikadambura Rwanda 2-0.
Zambia yakazvambura Ivory Coast 3-0, Malawi ndokushanya kuEthiopia uko yakanoita mangange 0-0, panguva iyo Zimbabwe yaive yakagara kumba.
Gilbert Mushangazhike, uyo akambotambira maWarriors uyezve akatamba kuSouth Africa nekuChina anoti zvinoshungurudza zvikuru kuona vamwe vachitamba, achiwedzera iye kuti Zimbabwe iri kusaririra zvikuru muhurongwa hwezvikwata hwepasi rese.
Chimwe chiri kunyanyorwadza vatsigiri venhabvu ava ndechekuti hapana chiri kuitwa chiri kuonekera kuti Zimbabwe idzoke kutamba nezvimwe zvikwata mushure mekudzingwa munhabvu yepasi rese neFIFA nemhaka yekupindira kwehurumende mune zvehutungamiri hwemutambo uyu.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaNazzy Moyo, vanoti vari kurwadzika kuti VeSports and Recreation Commission vari kungoti vari kugadzirisa zvinhu asi pasina chiri kuoneka chiri kufamba.
Kunze kwekusakwikwidza muAfcon 2023, Zimbabwe yarasikirwa nemamwe makundano akawanda anosanganisira enhabvu yevanhukadzi neyevechidiki pamwe neyezvikwata eCaf Champions League neCaf Confederation Cup.
Mutsigiri weDynamos, VaKurauone Chihwayi, vanoti nhabvu yatowira pasi zvakanyanya kubvira apo SRC yakapinda mumutambo uyu ichiti iri kugadzirisa zviri kunetsa.
Mukuru weZimbabwe National Soccer Supporters Association, VaJoseph Mutawu, vanoti bhora remunyika muno rafa nekuti vatambi havasisina shungu sezvo pasisina chekutambira.
Zvikaramba zvakadai, Zimbabwe inokwanisa zvekare kutadza kukwikwidza mumakundano e2026 World Cup, ayo achange ave nezvikwata zvemuAfrica zvipfumbamwe kubva muzvishanu.
Murairidzi wemutambo wenhabvu, Edmore Muthetwa, anoti zvehumbimbindoga zvinofanira kumboraswa koitwa hurongwa humwechete kuti zvinhu zvifambe.
Asi gurukota rezvemitambo, Muzvare Kirsty Coventry, vavimbisa kuti vane zvakakura nezvenhabvu zviri mudura izvo vachazivisa masvondo matatu anotevera asati adarika.
Zimbabwe yakadzingwa munhabvu yepasi rese neFifa mushure mekunge bazi rehurumende reSports and Recreation Commission radzinga basa bhodhi reZIFA iro raitungamirwa naVaFelton Kamambo nezvikonzero zvakasiyana-siyana.
Panguva imwechete iyoyo yakadzingwa Zimbabwe FIFA yakadzingawo zvakare Kenya mushure mekunge hurumende yenyika iyi yadzinga hutungamiri hwe Football Kenya Federation, asi yakazodzoserwa mumakundano eFIFA mushure memwedzi mipfumbamwe zvichitevera danho rakazotorwa negurukota rezvemitambo rekudzosa pabasa hutungamiri hwese hwakanga hwambomiswa basa.
FIFA haitenderi hurumende kana mapazi ayo kupindira mune zvehutungamiri hwenhabvu.
Your browser doesn’t support HTML5