Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakazvimiririra VaSavious Kasukuwere vanoti havasi kuzobvuma kutyisidzirwa nebato reZanu-PF kuti vasadzoke munyika kubva kuSouth Africa kuzotsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu.
Vakanyoresa kuti vakwikwidze musarudzo nevamwe varume gumi usanganisira mutungamiri wenyika nebato reZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa.
VaKasukuwere vaimbova gurukota rehurumende uye nhengo yebato reZanu-PF hurumemde yevaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe isati yapidigurwa nemauto muna 2017. Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakaudza Studio 7 nezuro kuti VaKasukuwere vachasungwa vakadzoka munyika.
Munyori mubazi rezvemitemo amai Virginia Mabhiza vakatiwo vakasukuwere vane nyaya mbiri dzichiri kumatare. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi varamba kuti vari kushandiswa nebato reZanu-PF kuti vasunge VaKasukuwere kuti vasakwikwidze musarudzo dzemutungamiri wenyika.
Vati havaite zvematongerwo enyika asi vakaudzwa nematare kuti munhu anemhosva dzake vanomusunga. VaKasukuwere vati vari kupinda musarudzo vakazvimirira voga nekuti vari kuda kuumba hurumende yemubatanidzwa kuti nyika ibude mumadhaka mairi.
Your browser doesn’t support HTML5
Panyaya yekuti vamae vari kuti vanofanira kukumbira ruregerero panyaya yavanopomerwa nevamwe yekutyora kodzero dzevanhu, VaKasukuwere vati kuti nyika ifambire mberi zvakakosha kuti vanhu vagare pasi kusanganisira ivo vakumbira ruregerero kana paine chavakanganisa.
Your browser doesn’t support HTML5