Mwana nemuroora wevaimbova mutungamiri wenyika yeZambia, VaEdgar Lungu vasungwa nhasi vachipomerwa mhosva yekuchenesa mari dzakasviba kana kuti money laundering uye kuva nemidziyo inonzi yakawanikwa nemari dzehuwori inodarika mamiriyi mashanu.
Bato raVaLungu rePatriotic Front rinoti zvaitwa izvi kuda kuramba kwehurumende ichida kuramba ichishungurudza mhuri yaVaLungu.
Mutauriri wemapurisa muZambia, VaRae Hamoonga vaudza VOA kuti Dalitso Lungu nemudzimai wake Matildah vasungwa sezvo vari varidzi vekambani yeSaloid Traders Limited.
Vanonzi vane motokari makumi matanhatu nepfumbamwe dzakawanikwa kuburikidza nehuwori. Izvi zviri kuuya kwapera vhiki hurumende yazivisa kuti yainge yatora nechisimba dzimba nezvimwe zvaDalitso uye aive mudzimai waVaLungu, Muzvare Esther nemwanasikana wavo Tasila.
(Kathy Short-VOA)