VaMwonzora Vodzokerazve Kudare Kuti Nhengo DzeBato Ravo Dzikwanise Kukwikwidza Musarudzo

Mutungamiri weMDC VaDouglas Mwonzora

Dare rinoona nezvemagakava musarudzo reElectoral Court nhasi raramba kunzwa chikumbiro chebato reMDC T yaVaDouglas Mwonzora chekuti Zimbabwe Electoral Commission itambire magwaro enhengo dzaro makumi masere nenomwe dzakarambirwa kukwikwidza musarudzo dzeparamende mushure mekutadza kubhadhara mari yaidiwa nedare reNomination Court.

Mutongi wedare Justice Webster Chinhamhora vabvumirana nemuono wemagweta eZEC wekuti dare iri hari kwanisi kunzwa nyaya iyi nekuti Nhengo dzinoti magwaro adzo haana kutambirwa handidzo dzauya kudare.

Rimwe remagweta eMDC T, Muzvinafundo Lovemore Madhuku vaudza Studio 7 kuti, "Dare rabvumirana neveZEC kuti aifanira kunge akauya kudare macandidates kwete bato."

VaMadhuku vanoti vange vakatarisira mutongo wapihwa nedare nhasi uye nhengo dzese dzeMDC T dzakarambirwa magwaro adzo dzakatokwira kudare zvekare nezuro vachitarisira kuti nyay aichanzwikwa nemumwe mutongi weElectoral Court mukati memazuva maviri anotevera.

VaMadhuku vati, "Jaji vasiya nyaya yekuti taakuchimirira nyaya yemacandidates, ndoyataakumirira kuti inzikwe saka hapana chachinja, saka nyaya yavo ichinzikwa zvimwe zvese zvinombomira. Ndomutemo uripo."

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo ZEC ichitarisirwa kubuditsa mugwaro rehurumende reGovernment Gazette, mazita evanhu vane magwaro ayakatambira kuti vakwikwidze musarudzo, mazita mumatunhu makumi masere nenomwe aida kukwikwidzwa nenhengo dzeMDC T haasi kuzoburitswa kusvika matare apa mutongo wavo

Mutungamiri webato reMDC T, VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti ivo pachavo ndemumwe wevachapa humbowo pachanzikwa nyaya iyi. BaMwonzora vati, "Vanonatsoziva zvakaitika musi uyu panoti inini saPresident ndange ndiriko kuZEC ndichitaura nevakuru veZEC, Doctor Mashakada, Secretary- General vedu vakange variko, Doctor Musevenzi Deputy Secrerary vachapa humbowo zvekare."

MDC inoti yaida kubhadharira nhengo dzayo dzese mari kuti dzikwikwidze asi ikanyimwa mukana wekuita izvi neZEC. Vanoti ZEC yaiti haina muchina wePoint of Sale kuti vashandise Card uye vachiti vakarambidzwa kushandisa nharembozha. ZEC yakapa mukana vose vainge vatadza kubhadhara mari musi wa 21 Chikumi kuti vabhadhare kusvika musi wa 22 nenguva dza 5 manheru.

Mukuru webato reUnited Zimbabwe Alliance Amai Elisabeth Valerio avo vane nyaya yakaita MDC T vaudza Studio 7 kuti vanotarisirawo nyaya yavo kunzikwa mudzare svondo rino. Amai Valerio vati, "Hatisati tapihwa zita richanzikwa nyaya yedu. Takatomirira kupihwa zuva iri."

Zvichakadaro, Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kudare reElectoral Court kuti mumwe mutsigiri weZanu VaLovejoy Mangwana vasvitsa here magwaro avo kudare iri ekupikisa kuti vaimbove nhengo yeZanu PF vaSaviour Kasukuwere vasakwikwidze musarudzo dzemutungumirir wenyika sezviri kutenderera pamadandemutande. Hatina kukwanisa kubata VaMangwana.

Vari kushanda naVaKasukuwere VaWalter Mzembi vaudza Studio 7 kuti havasati vapihwa mapepa naVaMangwana. Vachinyora padandemutande reTwitter, VaKasukuwere vati uku kwave kushaya kutsvaga uta nemugate kwoitwa neZanu-PF. Mabharani wedare iri aramba kutaura kuti nyaya iyi yasvika kudare iri here kana kuti kwete.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya