African Commission On Human Rights Yokurudzira VaMnangagwa Kuti Vasasaine Iri Kunzi "Patriotic Bill"

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa na VaZiyambi Ziyambi

Mumwe mukuru anoona nezvekodzero dzevanhu kana kuti African Commission on Human and Peoples’ Rights Special Rapporteur on Freedom of Expression and Access to Information, VaOurveena Geereesha Topsy-Sonoo vakanyora tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachivakurudzira kuti vasaise ruoko rwavo pabhiri rekuvandudza mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Amendment Bill.

Bhiri iri rinodaidzwa nemadunhurirwa kuti “Patriotic Bill.” Rine chirango cherufu nekutongerwa kugara mujeri kune vanenge vabatwa nemhosva yekukurudzira kuti nyika itemerwe zvirango.

Asi VaTopsy-Sonoo mutsamba yavo kumutungamiri wenyika vanoti mutemo uyu unotyora kodzero dzevanhu dzekutaura vakasungunuka, kunyora tsamba dzenyunyuta nekuungana vachiratidzira.

VaMnangagwa mbune vachinyora mubepanhau reSunday Mail vakati mutemo uyu hauna kuipa nekuti pane vari kushanda nevekunze kuti Zimbabwe iomeserwe.

Gurukota rezvemitemo vaZiyambi Ziyambi vaudza Studio 7 kuti mutemo uyu hauna kuipa uye vari kutokurudzira kuti VaMnangagwa vaise runyoro rwavo kuti uve mutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina VaZiyambi Ziyambi

VaTabani Moyo

Vati mutemo uyu unochengetedza nyika kubva kuvavengi zvikuru vanoda kutemera Zimbabwe zvirango. Asi mukuru weMISA Zimbabwe Doctor Tabani Moyo vati mutemo uye unodzvinyirira vana veZimbabwe zvakanyanya uye unopa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTabani Moyo