VaBusha Vanoti Pane Vari Kukwikwidza Musarudzo YeMutungamiri weNyika Ndivo Chete Vanokwanisa Kubata Basa Iri.

Joseph Busha

Mutungamiri webato reFreezim Congres VaJoseph Makamba Busha vanoti vakasarudzwa kutungamira nyika havasi kuda kutora mari yemuhoro pamwedzi.

Vati, “Handisi kuda kuti ndikasarudzwa ndotambiriswa mari yemihoro nekutengerwa zvikakarara zvemotokari, ndinoda kuti mari yangu yepamwedzi ibatsire mukuvakira vanhu makirinika.”

VaBusha vanoti ivo ndimuzvinabhizimisi asiri kupinda musarudzo kuti kana asarudzwa azobe mari yenyika.

Vatiwo dambudziko guru ratarisana neZimbabwe ndere mutungamiri wenyika vachiti ndizvo zvavakwezva kuti vade kukwikwidza. VaBusha vanotarisira kukunda nekuti vanhu vave kuona kuti Zanu-PF yakatanga kutonga muna 1980 yakundikana.

Vati vanhu vakambopemberera pakapidigurwa hurumende yamushakabvu Robert Mugabe nemauto asi uku kwakave kupembedza n'anga neinobata mai.

Pakugadzirisa nyaya dzezvehupfumi, VaBusha vati Zimbabwe inofanira kugadzira zvinhu zvakawanda zvekutengesa kunze zvakafanana nemabhatiri elithium kwete kungotesa lithium kunze pasina kuikwenenzvera sezviri kuitika pari zvino. Vati pavarume vose vari kukwikwidza, ndivo vane ruzivo rwakadzama.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina VaJoseph Busha