Apo mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino atanga hurongwa hwekutsvaga rutsigiro nyika yose, nyaya dzemhirizhonga, zvikuru dzekushungurudzwa kwevebato rinopikisa reCitizens’ Colaition for Change dzinonzi dzatotanga kuwanda.
Kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri weCitizens' Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira kuti munyika muve nerunyararo, mudunhu reMasvingo dzimwe nhengo dzebato rinopikisa reCCC dzinonzi dzakatotiza misha mushure mekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
Mune mamwe matunhu nhengo dzeZanu PF pamwe nedzesangano reFAZ, iro rinonzi rinoshanda nevasori veCIO, dzinopomerwawo mhosva yekumira mira panenge pachiitirwa musangano nevanopikisa, izvo zvinoonekwa senzira yekutyisidzira.
Mamwe masabhuku nemadzishe havasi kusiiwawo muzvipomerwa izvi vachinzi vari kuudza vanhu vavo kuti havadi vanopinda misangano yemapato anopikisa.
Zvose izvi zvave kuita kuti vamwe vatye kuti dzimwe nguva sarudzo dzegore rino dzichaita mhirizhonga yakanyanya kudarika 2018, vamwe vachitotyira kuti zvakaitika muna 2007/2008 zvinogona kudzoka.
Nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti bato ravo rinomira neshoko remutungamiri waro VaMnangagwa, rekuti havadi mhirizhonga munguva yesarudzo.
VaMandaza vanokurudzira vose vanoti vari kushungurudzwa kuti vatore maziva evanhu vari kuvashngurudza voenda vonomhan'gara kumapurisa.
Asi VaRejoice Ngwenya, vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, vanoti zvinozvikanwa nevanhu vose kuti bato reZanu PF rinoita zvemhirizhonga.
VaNgwenya vanoti kuenda kumapurisa hakuna zvakunonyanyobatsira sezvo kazhinji nyakumhan'gara ari iye anozosungwa. Vanoti panofanirwa kudzikwa mutemo unoona kuti mapazi ose atevera bumbiro remitemo mukuchengetedzwa kwerunyararo.
Ukuwo, VaMandaza vanoti runyararo rwunofanirwa kutangira pamunhu achiudzawo mumwe zvichienda zvakadaro.
Your browser doesn’t support HTML5