Ishe Murinye Voramba Zvekuti Vakarohwa neVatsigiri veCCC

Ishe Murinye, VaEphias Munodawafa varamba mashoko ari kubuda pamadandemutande ekuti vakarohwa nevatsigiri veTripple C vachinzi vainge vakurudzira vanhu kuti vavhotere Zanu-PF parufu. Mapurisa aivachengetedza akaitawo chitsoka ndibereke achitiza kurwiswa.

Ishe Murinye vaudza Studio 7 kuti vakaroverwa nyaya yekuti vainge vazama kurambidza vemhuri yekwa sabhuku Daniel Zindoga vemunzvimbo mavo kuti vasavige mwana wavo pamusha panova nzvimbo inonzi inoyera.

Izvi hazvina kufadza vamwe vemhuri yekwange kwakaroorerwa mwana uyu vakatanga kuvarova.

“ Zvakaitika ndezvekuti ndina sabhuku wandu Zindoga akashaikirwa nemwana saka vakakumbira kuti vanoda kuviga mwana pamba pavo saka ndakati hazviiti nekuti nzvimbo iyoyi inoyera saka ndozvakanetsa,”

Vati vakatomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ayo achiri kuiferefeta. Mutauriri wemapurisa muMasvingo ati nyaya iyi haisati yasvika munzeve make.