Mutungamiriri webato reZanu PF vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira boka remadzimai ebato ravo, reWomen’s League kuti rishandise huwandu hwemadzimai munyika mukutsvagira bato ravo rutsigiro kuti rikunde musarudzo dzemuna Nyamavhuvhu.
Vachitaura pamusangano weWomen’s League yebato ravo, VaMnangagwa vati madzimai ndivo akawanda uye bato rega rega rinokwanisa kubudirira chete kana rikatsigirwa nemadzimai.
Vati madzimai anofanira kushandisa huwandu hwavo kutsvagira bato rutsigiro kuti rikunde zvine mutsindo musarudzo dzegore rino.
"Senhengo dzeWomen's League ndino kumbira kuti mushandise huhwandu hwenyu kutsvagira bato rutsigiro kuti rikunde zvine mutsindo musarudzo."
VaMnangagwa vakurudzirawo kuti madzimai avhotere bato ravo kuitira kuti achengetedze nhaka yawo vachiti Zanu PF inovimba navo.
"Mutongi kana achida kutonga zvine simba, nguva yakareba tsigirwa nemadzimai."
Mutungamiri weZanu PF vashandisawo musangano wanhasi kukorokotedza nhengo dzebato ravo dzechidzimai dzakabudirira kunyoresa kuti dzikwikwidze musarudzo.
Musangano uyu unouya apo bato reZanu PF rakakwira kudare nemusi weChina nechikumbiro chekuti Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) irambidze nhengo gumi neshanu dzebato rinopikisa reCCC kuBulawayo kupinda musarudzo nechikonzero chekuti dzakaendesa magwaro adzo kuNomination Court nguva dza 4 masikati dzaive dzakatarwa dzadarika.
Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvemutemo mubato iri, VaPatrick Chinamasa, vanoti ZEC yakatyora mutemo nekutambira magwaro enhengo dzeCCC uye nhengo idzi hadzifaniri kukwikwidza musarudzo.
Izvi zvinoitika apo mutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere, vari kuti bato ravo harisi kufara kuti pane vamwe vanhu vakaita chitsotsi chekuendesa magwao avo kuZEC vasina mvumo kubva kubato iri.
"Chatakangoona ndechekuti kune vakaita tsotsi vakashandisa zita rebato zviri kunze kwemutemo uye seuona kwedu zvakaitwq neFAZ uye nyaya dzacho dzave kumapurisa nemagweta edu uye tiri kushandisa mutemo wesarudzo kutamba izvi."
Pane mamwewo mapato asiri kufara nemafambisirwe akaitwa basa nematare aitambira mazita, eNonimation Courts pamwe neZEC anosanganisira MDC-T akatokwirawo kudare reElectoral Court.
Your browser doesn’t support HTML5