ZEC Inoburitsa muGovernment Gazettee Mazita eVachakwikwidza muSarudzo dzeGore Rino

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC yaburitswa mugwaro reGovernment Gazette mazita evanhu vane magwaro akatambirwa nematare eNomination Court vachakwikwidza musarudzo dzegore rino.

Mazita aburitswa anosanganisira evanhu gumi nemumwe vachakwikwidza musarudzpo dzemutungamiri wenyika, vachakwikwidza musarudzo dzemaseneta, vachakwikwidza musarudzo dzenhengo dzedare reparamende, madzimai e proportional representation pamwe nevachange vachimirira vari kukwikwidza ava, kana kuti elections officers.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvemutemo dzinoti sezvo pachine kupikiswa, ZEC haigoni kuburitsa mazita kumatunhu ane nyaya dziri kumatare, asi vamwe vakaita senyanzvi munyaya dzemutemo, VaBrian Crossier, vanoti ZEC inogona kuburitsa gwaro iri yozorisandura zvichienderana nezvinenge zvazobuda mumatare.

Izvi zvatsigirwa nenyanzvi munyaya dzemutemo, Muzvinafundo Lovemore Madhuku.

"Kana vamaburitsa semamirire atakaita dare rikatonga kuti apo pamakanyora zvakati bvisai munyore kuti zvakati, wedzerai zvakati vanotozviita nekuto mutemo unozvibvumira. Matare ari pamusoro anokwanisa kuchinja zvese."

Vaenderera mberi vachiti magwaro ekuvhotesa, kana kuti ma ballot paper, ndiwo asingakwanise kudhindwa nyaya dziri kumatare dzisati dzapera.

Sachigaro vesangano rinoongorora sarudzo, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, zvakare vari gweta, VaAndrew Makoni, vanoti kuwanda kwenyaya dziri kumatare kunoratidza kuti zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kuNomination Court.

"Tikatarisa matambudziko iwawo zvinoratodza kuti pakaitika Nomination Court pange pasina gadzirirro yakakwana zvikuru pamusana pekuti mari dzaidiwa dzaifanira kunge dzichibva kumabhangi uye mabhangi haana kukwanisa kuburitsa mari dzinokwana kuti munhu aende nuNomination Court."

Zimbabwe ichaita sarudzo dzemutungamiriri wenyika, paramende pamwe nemakanzuru musi wa23 Nyamavhuvhu gore rino.