Apo nyika yeZimbabwe yanga ichirangarira makore makumi maviri nemana kubva pakashaya vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaJoshua Nkomo, bato reZAPU rinokurudzira hurumende pamwe nevana veZimbabwe kuti vakoshese zuva ra 01 Chikunguru senzira yekuremekedza mabasa akaitwa naVaNkomo.
Vachitaura vari pamabiko ekucherechedza zuva iri aitwa bebato rinopikisa iri mu Stanley Hall mu Bulawayo, sachigaro weZAPU nyika yose, VaJohn Zolani Dlamini vati VaNkomo vaive munhu wevanhu vese, akanga asingatungamidze rudzi, aibatanidza vanhu, kwete muZimbabwe chete, asi kuti muAfrica yose.
Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wasachigaro weZAPU, Amai Tendai Chekera, avo vabva kuManicaland. Amai Chekera vanoti zuva ranhasi izuva rakaoma rinovatondedza zvakaoma sezvo vamwe vevana veZimbabwe vakarasikirwa nehupenyu vachida kuti vanunure vana veZimbabwe.
Vakafanobata chigaro chemmumwe wevatevedzeri vemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaFelix Magalela Mafa, uyewo vakamboshanda namushakabvu mubato reZAPU, vanoti zvose zvakanaka zvaimirirwa navaNkomo zvauraiwa nebato riri kutonga reZanu PF.
"Vari kutonga veZanu PF vakarasa zvose zvaimirirwa nemwana wevhu, Chibwechitedza, VaNkomo. Izvozvi vaunza rusaruraganda nekupesana kwemarudzi. VaNkomo vaikurudzira kurima, asi zvigananda zvakazvipa mapurazi, vazhinji vakashaya. Kumabhizimusi, Zanu yakatora. Vakamuka nhasi, vanoona nyika yadzokera kumashure, kusvika nguva yaanaMzilikazi naana Lobengula."
Mashoko aVaMafa anotsigirwa nemutauriri wemutungamiri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, VaLloyd Damba, avo vanoti dai “Father Zimbabwe” vari vapenyu nyika ingadai yabudirira kudarika zvairi nhasi.
"Dai pasina tribalism yakaitika mumazuva ekurwira rusununguko, uye tawana kuzvitonga kuzere, dai vari ivo vakatanga kutonga nyika yeZimbabwe, uye dai hupenyu hwedu huri nani. Vakambunyikidzwa zvakanyanya kusvika vatizira kuLondon.
"Pavakadzoka, Gukurahundi yakaitika, asi vakazvidukupisa vakapinda muhurumende yemubatanidzwa navaMugabe, kuti nyika ive nerunyararo. Vakazopiwa zita rekuti Chibwechitedza, zvichirevawo kuti dombo rakanaka, rinotsvedzerera, nekuti munhu aidiwa kumativi mana eZimbabwe."
Asi nhengo yeZanu PF iri nhengo yeCentral Committee, VaJoseph Tshuma, vanomaramba mashoko aVaDamba pamwe naVaMafa aya.
“Baba vedu VaNkomo vari vapenyu vaigarotaura kuti kana uchida kuita mari, pindura vara rinoti mari- unobuda nepanoti rima. Vaikurudzira kuzvirimira sevanhu vemuno, zvinova izvo zviri kumhanyiswa nemutungamiri wedu VaMnangagwa. Izvozvi vari kuvaka madamu, uyezve madiridziro amutsiridzwa. Saka VaNkomo pavari, vari kutoona kuti zijaya randakasiya iri, riri kuita chaizvo zvandaida kuti zviitike, kuti vanhu vagone kuzviraramira nekurima.”
Mutauriri webato rinopikisa reZAPU, VaMsongelwa Ndlovu, vanoti mushakabvu vakasiya vagadzira hwaro hwekuti nyika ibudirire, murunyararo.
"Musarudzo dziri kuuya idzi, dai vanhu vachengetedza runyararo, varemekedzewo nhaka yerunyararo yababa Nkomo, avo vaida kuti vana veZimbabwe vange vakabatana, vachiwirirana. Mhirizhonga vaisawirirana nayo. Kunyange zvombo zvekurwisa nharadada idzi dzadai kuuraya nyika yedu, vaive vainazvo, vakasarudza runyararo, vakati mauto avo asarwisana nevamwe vana vevhu. Ndiyo pfuma yatakasiirwa nababa vedu, naizvozvo tiri kukurudzira runyararo patiri kuenda kusarudzo."
Bato reZAPU rakumbirawo hurumende kuti iite zuva ra1 July, kuti rive zuva rezororo, vanhu vachirangarira mushakabvu.
Mumwe mudzimai ave kugara pamba paimbogarwa nekuitirwa misangano naVaNkomo nevamwe varwiri verusununguko kumakore ekuma 1970 mumusha weHighfields muHarare, Ambuya Netty Huwa, vanoti kunyange vakazogara pamba apa makore mashomana VaNkomo vabva, nhoroondo yaitaurwa nezvemushakabvu yakaita kuti vavayemure zvakanyanya.
"Ini VaJoshua Nkomo ndakabvira kare ndichivafarira. Kunyange vave mushakabvu, ndinongovafarira. Pakauya veMonuments and Museums vachiisa ruremekedzo pamba pano, ndakatombovabvunza kuti asi vaive voda kunditorera imba yangu here, asi vakati kwete. Asi vakandivimbisawo kuti sezvo vaisa chikwangwani pamba paishandiswa negamba, vaizondipawo twumari- asi hapana chati Chauhan mumakore mana adarika."
Vanoona nezvekudyidzana neveruzhinji kuMuseum of African Liberation, iyo iripo kucherechedza nekuchengetedza nhoroondo yenyika dzemuAfrica, VaJoseph Nkani, vanoti ruzhinji rweZimbabwe rwakasununguka kuziva zvakawanda pamusoro paVaNkomo, kubudikidza nekushanyira museum yavo.
“Tine zviratidzwa zvatinazvo muMicro museum yedu, zvinopa humbowo hwezvinhu zvaishandiswa naDr. Nkomo. Izvi zvakafanana nepfuti yavaishandisa munguva yehondo, tape recorder yavaishandisa semusori, uyewo zvipfeko zvavo zvavaipfeka munguva yehondo. Tinewo nyembe dzavakapiwa nenyika dzekunze semucherechedzo wemabasa avo. Saka tinoti zororai murugare gamba redu, tinotenda nemabasa amakatiitira sevana veZimbabwe, veAfrica.”
VaNkomo, avo vaizivikanwa nekuti Father Zimbabwe kana kuti Chibwechitedza, vakaberekwa musi wa 19 Chikumi, 1917, kuMatopos mudunhu reMatabeleland South, vakazoshaya musi wa 01 Chikunguru 1999.
Vanorangarirwawo nekukurudzira runyararo kubudikidza nekubatanidza bato ravo reZAPU nereZANU mugore ra1987, mushure mekunge vanhu vaifungidzirwa kuti vaive vatsigiri vavo vangangosvika zviuru makumi maviri vemumatunhu eMatabeleland neMidlands vakapondwa nemauto vachipomerwa mhosva yekuda kupandukira hurumende.
Your browser doesn’t support HTML5