Zimbabwe Yokoka America, Russia, Britain Nedzimwe Nyika Kuzoongorora Sarudzo

US Russia Arms Control

Mumiriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaLevit Mugejo vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakoka vaongorori vesarudzo kubva kunyika makumi mana nematanhatu kusanganisira hurumende dzeAmerica, Russia neUnited Kindgom.

Vamwe vakokwa vanosanganisira vemasangano akasiyana siyana muAfrica anosvika gumi nemanomwe. Mizinda yedzimwe nyika makumi mashanu nemumwe yakokwawo.

Mapato ezvematongerwo enyika kubva kunyika dzemuAfrica akokwawo kuzoongorora sarudzo.

VaMugejo vaudza studio 7 kuti, “Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakagara vataura kuti Zimbabwe iri kuita sarudzo dzakachena uye hapana chekuvanza.”

Vaenderera mberi vachiti vekunze vari kuuya kuzoongorora chete kwete kuti kuzoudza Zimbabwe zvekuita. Kunyangwe VaMnangagwa vari kuti havana chekuvanza, vanopikisa vakaita sevebato reCitizens Coalition for Change vanoti mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMasvingo maberekera ingwe sezvo vatsigiri vavo vari kurohwa nekumanikidzwa kuenda muhupoteri.

Vamwe vakaita saVaDouglas Mwonzora veMDC- T uye Doctor Gwinyai Mwonzora veThe UANC vanotiwo ZEC haina kuzvimirira. ZEC inoramba kuti inotema yakarerekera divi.