Mutungamiri webato rinopikisa reThe United African National Council (UANC) Doctor Gwinyai Muzorewa varamba mashoko ekuti kushandisa zita rebato remukoma wavo mushakabvu Bishop Abel Muzorwa kuchapa kuti vanhu vatadze kuvavhoteera.
VaMuzorewa vakavamba bato iri vanonzi nevamwe vakadzosera zvakanyanya chimurenga chekuti Zimbabwe iwane kuzvitonga kuzere nekuti vaishanda nehurumende yevachena yaiita zverusaruraganda yaitungamirwa namushakabvu Ian Douglas Smith.
Doctor Muzorewa vati hurumende yamushakabvu Robert Mugabe ndiyo yaingoda kusvibisa Bishop Muzorewa.
Bishop Muzorewa vakaita mutungamiri wehurumende yainzi Zimbabwe-Rhodesia kusvika paitwa Lancester House Agreement muna 1979 kusvika pakazowana nyika kuzvitonga kuzere muna 1980. Bishop Muzorewa vaiti havaida zvehondo zvakapa kuti vashande naVaSmith vachinzi nevarwi vehondo yerusungunuko vaive mutengesi.
Doctor Muzorewa vati ivo havana maoko akasviba sevamwe vavari kukwikwidzana navo kutungamira nyika. Vavimbisa kuwanisa vanhu mabasa kuburikidza nekurwisa huwori nekukwezva vekunze.
Vatiwo zvekuti havana vakawanda vari kukwikwidza vakamirira bato ravo musarudzo dzenhenge dzedare reparamende hazvina basa nekuti vanoda kushanda nevanhu vose.
Your browser doesn’t support HTML5