Vamwe Vari Kumiririra CCC Musarudzo dzeMakanzura Vanoti Vave Kurohwa neVatsigiri veZanu-PF

Musangano weZanu-PF kuMasvingo

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change riri kuchema chema kuti nhengo dzaro zvikuru dziri kukwikwidza musarudzo dzemakanzuru dziri kushungurudzwa zvakanyanya nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF kuMashonaland West, Masvingo neManicaland.

Asi bato reZanu-PF rinoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vakakoka nyika makumi mana nenhanhatu kusanganisira America, Russia neBritain kuzoongorora sarudzo dzemusi wa 23 Nyamavhuvhu vakazvipira kuita sarudzo dzakachena dzisina mhirizhonga.

Vari kukwikwidza musarudzo yekuva kanzura muWard 26 kuMagunje vakamirira Tripple C VaKnowledge Chigoma nevari kutungamira hurongwa hwavo hwekutsvaga rutsigiro VaSolomon Ndoroyerwizi vanoti vakarohwa nevatsigiri veZanu-PF svondo rapera pazvitore zveNgoresha.

VaNdoroyerwizi vati, "Taitsvaga rutsigiro mu ward 26 muswere wese asi patakasvika paNgoresha business centre apo patakasangana nenhengo dzeZanu Pf idzo dzakatanga kuti rova dzichitungamirwa nasachigaro wayo mudunhu diki VaPaymore Nhwangwari”

VaNdoroyerwizi naaChigoma vatiwo vakanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaMagunje uye vakapihwa numba dzeRRB dzinoti 555-46-72 ne555-46-73. Venderera mberi vachiti, “Takatiza takananga kukamba yemapurisa kuMagunje kwatakanomhan’ara tikapihwa manhamba anoratidza kuti takasvitsa nyaya yedu kumapurisa”

Vanoti vakazoenda kunorapwa kuKaroi. Asi mutauriri webato reZanu-PF mudunhu reMashonaland West VaNigel Murambiwa vati bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya. Vati, “Bato redu reZanu PF hari kurudzire mhirizhonga sekutaura kwemutungamiri wedu President Emmerson Mnangagwa”

Mhirizhonga inonzi yakaitikawo kuChipinge East uko vari kukwikwidza chigaro chekuve kanzura muwadhi 13 VaCaleb Nhoko vanoti vakarohwa nevatsigiri vebato reZanu PF. VaNhoko vaudza Studio 7 kuti, “Ndakarohwa nemhengo dzeZanu PF dzakanditora dzikandisunga maoko ndokundikanda mumotokari dzichindirova kusvika dzazondikanda pasi."

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti bato ravo sematauriro anogara achiita mutungamiri waro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa haridi zvemhirizhonga.

Sachigaro weCCC mudunhu reMashonaland West VaRalph Magunje vati, “Chinoshamisa ndechekuti bato reZanu PF rinogara richiti rine rutsigiro kumaruwa asi mhirizhonga yavari kuita zvinoreva kuti havachisina rutsigiro rwakawanda ikoko”

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi vanga vachiti vari mumusangano pataedza kuvabata katatu pambozhanhare yavo uye mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Inspector Margaret Chitove vati vanga vasati vanzwa nezvenyaya yemhirizhonga iyi.

Vanopikisa vari kuchema chemawo kut chikwaya cheFAZ chinonzi chinodyidzana nevasori chiri kuendawo panzvimbo dzinenge dzichiitwa misangano nevanopikisa chichida kuvasvokosva.

Asi chikwata ichi chinoti chiri kungobatsira kutsvagira Zanu-PF rutsigiro murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nunurai Jena