Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reCommitee to Protect Journalists kana kuti CPJ riri kukurudzira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vasaise runyoro rwavo pabhiri reCriminal Law (Codification and Reform) Ammendment Bill riri kudaidzwa nevamwe nezita remadunhurirwa rekuti “Patriotic Bill.”
Mukuru weCPJ muAfrica, Muzvare Angela Quintal mumamshoko kuvatori venhau vakurudzira VaMnangagwa kuti vaise runyoro rwavo achiti bhiri iri rinotyora bumbiro remutemo uye harina kunyorwa zvakanaka.
Vati rinombunyikidza kodzero dzevatori venhau avo vanofanira kusungunuka kuita misangano nevanhu vavanoda kusanganisira vamiriri vekune dzimwe nyika, pasina kutya kusungwa vachinzi vari kufukura hapwa kuti nyika itemerwe zvirango.
Vanobatwa nemhosva dzekusvibisa zita renyika vanokandwa mujeri kwemakore makumi maviri kana kutongerwa rufu.
Musi wa 7 Chikumi, dare reSenate rakatambira bhiri iri uye chasara kuti VaMnangagwa vari tambire robva ravamuteno. Mutungamiri wesangano revapepeti venhau re Zimbabwe National Editors Forum (ZINEF) VaNjabulo Ncube vaudzawo CPJ kuti vari kutya kuti vatori venhau vanotaura nevekunze vachasungwa sezvo bhiri iri risina kujeka.
Asi vachitaura neStudio 7, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati bhiri iri harina kuipa uye vari kukurudzira VaMnangagwa kuti vaone kuti wave mutemo necchimbi chimbi.
VaChitaura neCPJ, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati mutemo uyu haumbunyikidze kodzero dzevatori venhau. Vati vatori venhau kana vasina chokwadi nemisangano yavanenge vachida kuenda nevekunze vanofanira kutanga vasuma hurumende.
Mwedzi wapera, Amai Ourveena Geereesha Topsy-Sonoo vesangano reAfrican Commission on Human and Peoples’ Rights vakanyorerawo VaMnangagwa tsamba vachiti vasaise runyoro rwavo pabhiri iyi.
United Nations iri kutiwo VaMnangagwa vasatambire mutemo uyu vachiti unombunyikidza kodzero dzevanhu.