VeChidiki Vakaremara Vochema Chema Nekusarurwa MuNyaya dzeZveMatongerwo eNyika

Vechidiki vakaremara vanoti vari kusiyiwa shure munyaya dzematongerwo nepamusana pehurema hwavo, uye havasi kutarisira kuita zvakawanda musarudzo sezvo vari kushaiswa mikana yekuti vakwikwidze zvine mutsindo.

Kunyange sangano reUNESCO rakati mugore ra 2021, vechidiki vane hurema vaigona kusvika zviuru mazana mapfumbamwe, vechidiki ava vanoti nhunha dzavo munyaya dzezvematongerwo enyika, hadzina anonzwa.

Mumwe wechidiki akaremara uye achigara kuBulawayo, Muzvare Tariro Gurure, vanoti zvizhinji zviri kukanganisa vamwe vavo vachakwikwidza musarudzo dziri kuuya. Muzvare Gurure, “Vechidiki vane hurema vanoshaya mari dzekukwikwidza dzimwe nguva.” Vatizve, “Kozotiwo vamwe havana chivimbo chekuti vanozvikwanisa. Mapato ezvematongerwo enyika ndiwo mamwe asiri kugamuchira zvakazara, vane hurema. Vanowanika havo mumapato aya, asi vashoma zvakanyanya.”

Mukuru wesangano rinoshanda nevechidiki vakaremara reYoung Voices Disability Zimbabwe, Muzvare Nyasha Mahwende, vanoti kushaya zvikwanisiro ndiro dambudziko guru riri kuvanganganisa. Muzvare Mahwende vati, “Vanhu ngavasngotarisa kuti munhu arikuda kuvhoterwa arikuvapa mari, asi ngavacherechedzewo kuti munhu ane hurema kana akakwanisa kupinda pachigaro, anokwanisa kufambira nyaya dzevamwe vake. Pasina mari, hazvina kureruka.”

Mukuru wesangano reSigns of Hope Trust, Muzvare Samantha Sibanda, vanoti mitemo yesarudzo chaiyo, inoda kuvandudzwa, kuitira kuwanisawo vechidiki vakaremara, mikana yekumirirawo nharaunda dzavo.

Vatiwo, “Takaona kuti proportional representation inobatsira madzimai kuti vapinde muparamende, asi mutemo uyu unoda kuti ujekese kuti vangani vane hurema vanofanira kuwana zvigaro izvi. Vechidiki havanawo mari yekuti vanyorese kukwikwidza, zvinova zvinovadzosa zvekare kumashure.”

VaPeter Pikirai Masendeke murume akaremara anodzidzisa pachikoro chedzidzo yepamusoro, cheGweru Teachers College, uyewo vari nhengo yebhodih reHealth Professions Board, vachimirira vanhu vakaremara, vanoti nhandare yezvematongerwo enyika haina kuenzana zvachose, pakati pevechidiki vakamremara, nevasina.

VaMasendeke vati, “Gore rino hakuna vakawanda vari kukwikwidza musarudzo. Kumapato chaiko, anopa mikana mishoma kune vakaremara.”

Vaenderera mberi vachiti, “Tinonzwa maYouth quota nemaWomen’s quota asi hatimbonzwi disability quota. Uyezve hatisi kumboona vanhu vari mumapato iwawa kuti vakurudzirwe kugamuchira vakaremara kana vachida kuita makanzura kana makurukota edare reparamende. Saka pachiri kuda kuti oagadziriswe ipapa, kuti vanhu vakaremara vasatarisirwe pasi.”

Mudzimai wechidiki akaremara, uye ari muimbi ane mukurumbira muZimbabwe, Chipo Muchengwa, anoti mutungamiri wenyika anofanira kubatsira mukusimudzirawo vechidiki vakaremara. Muzvare Muchengwa vati, “Vanhu vemunharaunda vanongotitarisira pasi, nekutishora, ndiko saka tiine vanhu vashoma vanotimirira muhurumende.”

Vatiwo, “Zvinoda kutangira kumutungamiri wenyika kuti vatiwedzerewo mikana yekuti tikwanise kupindawo mune zvematongerwo enyika. Tese tiri vanhu uye tinofanira kuwana mikana yakafanana.”

Nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, uyewo vasingaone, VaMasimba Kuchera, vanoti pane zvikonzero zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti vechidiki vakaremara vapindewo mune zvematongerwo enyika. VaKuchera vati, “Chekutanga ndechekuti vechidiki jikerere havaonekwi sevanhu kumapato avanotsigira, zvinozowedzerawo kana munhu akaremara.”

Vaenderera mberi vachiti, “Chepiri inyaya yemari inodiwa kuda kuti munhu akwikwidze- mari idzodzo dzinoti netsei kumunhu akaremara, kunyanya kana asingashandi. Chimwe ndechekuti vavhoti chaivo havaoni vanhu vane hurema sekunge vanokwanisa kuvamirira zvakazara. Pane kurusarura kakanyanya.”

Kunyange gwaro reDisability Policy rakaparurwa mugore ra2021 nehurumende richicherechedza kodzero dzevanhu vakaremara, vanomirira kodzero dzevanhu vanoti kodzero idzi hadzisi kuzadziswa uye paramende inofanirwa kudzika mitemo inochengetedza vakaremara vanoda kupinda mune zvematongerwo enyika kuburikidza nekuvapa zvikamu kubva muzana zvezvigaro zvose zvinokwikwidzwa muparamende nemumakanzuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Tobias Mudzingwa