MaBishopu eRoma Okurudzira Vanhu Kuti Vasavhotera Vatungamiri Vane Mangoromera

Mumwe mubatanidzwa wemabishopu unonzi Zimbabwe Catholic Bishops Conference kana kuti ZCBC uri kukurudzira mhuri yeZimbabwe kuti isavhotevera vanhu vanoita zvemhirizhonga kana kubvuma kushandiswa mumabasa ekurova vamwe.

Munyori mugungano iri VaTryvis Moyo vaudzawo Studio 7 kuti “Kusiyana kwemapato atinawo epolitics ngakusaunza rusarura nekusaremekedzana.”

Tsamba yemaBishopu aya yakurudzira vezvematongerwo enyika kuti vasataure mashoko anopesvedzera mhirizhonga. Vayambirawo vezvematongerwo enyika kuti kudeura ropa munyika chitadzo chikuru kuna Mwari.

Gungano reZCBC riri kukurudzirawo vanochengetedza mutemo nematare kuti vasateme vakarerekera divi nekuti zvinogona kukonzera kusawirirana munyika.

VaMoyo vati, “Tine mainstitutions akatikoshera anosanganisira vanochengetedza runyararo, veZEC nematare ngavaite basa ravo vasina rusarura ."

Vati vari kukwikwidza musarudzo havafanire kurambidzwa kupinda muna mamwe matunhu enyika. Gungano iri rakurudzira vanhu kuti vasavhudzitsirwa vachivhotera vanhu vavasingadi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kugara vachikurudzira vanhu kuti vatsvage rutsigiro murunyararo. Asi vanopikisa vari kupomera vasori, nhengo dzebato ravo reZanu-PF nemapurisa mhosva yekukonzera mhirizhonga munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere