Mutungamiri webato reZanu Pf vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti munyika hamuna mhirizhonga uye vanoshuvira sarudzo dzisinawo mhirizhonga, asi vanopikisa vanoti manyepo.
Vachitaura nhasi munhandare yeChemhanza kuMagunje, mudunhu reMashonaland West, VaMnangagwa vati munyika hamuna mhirizhonga nekudaro vanoda kuti zvirambe zvakadaro.
“Kusvika parizvino hapana mhirizhonga munyika nekuti pane runyararo. Hatifanirwe kufadza mumwe munhu nekuita runyararo, ngatiparidzeyi runyararo”
VaMnangagwa vanoti pane vamwe vavasina kudoma nemazita vanoda kuti munyika muite mhirizhonga kuti vasvibise sarudzo dzakatarisana nenyika dziriko mwedzi unouya.
“Asi pane vanoda kuti munyika muite mhirizhonga kuti vakwanise kusvibisa sarudzo dzemusi wa23 August”
Vanotiwo kune vemabhizinisi vari kuda kuti Zanu PF ikundwe musarudzo vari kukwidza mitengo yezvinhu kuitira kuti vanhu vapandukire hurumende yavo, vachiyambira kuti izvi ngazvipire kana kuti vachatorerwa matanho makukutu.
“Kune vamwe vemabhizinisi vari kukwidza mitengo yezvinhu kuti vanhu vapandukire hurumende asi tave kuvaziva nekudaro tinovayambira kuti vasiye tsika iyoyo. Tinogona kuvatorera matanho makuru”
VaMnangagwa vanoti vacharamba vachivandudza nyika, zvikuru kumaruwa vachiti minda yakapihwa vanhu havaitorerwe uye vayambira vose vachada kudzosa varungu muminda.
“Hakuna ivhu richadzorerwa kuvachena kana tichiri kutonga, anozviita tinomuuraya chaiko”
Panyaya yemhirizhonga mutevedzeri wemutauriri webato reCitizen Coalition for Change -CCC, VaGift Ostalos Siziba, vanoti VaMnangagwa vataura manyepo sezvo nhengo dzavo dziri kurohwa nekushungurudzwa munyika, zvikuru kumaruwa.
“Zanu PF ndiyo inoita mhirizhonga nekuti inenge yakundwa gakava repfungwa. Iye zvino vari kurova nhengo dzedu kumaruzevha kwavanoti vane rutsigiro rwakawanda,” vanodaro.
Nhengo dzeCCC dzinonzi dziri kurohwa nekushungurudzwa, zvikuru kumaruwa ematunhu anoti Mashonaland West, Manicaland neMasvingo.
Imwe nhengo yeZanu PF yapinda mumusangano uyu isina kuda kudomwa nezita inoti inotarisira kuti hurumende yeZanu PF ichagadzirisa migwagwa, makiriniki nezvikoro sekuvimbisa kwayagara ichiita.
“Ndinotarisira kuti VaMnangagwa vagadzirise nyaya dze migwagwa kana vadzokera pachigaro”
Zanu PF yatakura nhengo dzayo kubva mumatunhu maduku ose eMashonaland West nemabhazi nemarhori anodarika mazana mashanu.
Kunyange hazvo bato reZanu Pf riri kuita misangano yaro pamadiro, bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change riri kurambidzwa nemapurisa kuita musangano yaro mune dzimwe nzvimbo, uye munzvimbo dzarinenge rapiwa mvumo rinonzi risatakura vatsigiri varo nemabhazi kuenda navo kumusangano.
CCC nezuro yakatoenda kumatare edzimhosva kunoisa nyaya yekurambidzwa nemapurisa kuita musangano wayo kuBindura mangwana nezvikonzero zvinonzi nebato iri hazvinzwisisiki.
Zvikonzero izvi zvinosanganisira zvekuti nzvimbo iri kuda kuitiirwa musangano nebato rinopikisa iri haina zvimbuzi nemigwagwa.
Your browser doesn’t support HTML5